Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Hurumende Ikasachinja Maitiro Nyika Icharamba Iri kuMawere


VaMorgan Tsvangirai

Vaimbova mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri weMDCT, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende inofanira kuvandudza nyaya dzekurima pamwe nekuvhura maindasitiri kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Mashoko aya anouyawo apo varimi vazhinji varikuchema nerokuti havasi kuwana zvekushandisa mukurima pasi pechirongwa chehurumende cheCommand Agriculture.

Vachitaura neStudio 7 muHarare, VaTsvangirai vati hurumende inofanira kukoshesa nyaya dzekurima sezvo kurima kuriko kwakanyanyobata hupfumi hwenyika.

VaTsvangirai vati varimi vanofanira kuwaniswa zvokushandisa mukuita basa ravo paine nguva kuitira kuti vawane goho rakanaka. Vakurudzirawo kuti varimi vakagariswa patsva vapihwe matsamba emapurazi avagere kuitira kuti vakwanise kukwereta mari kumabhanga..

Mashoko aVaTsvangirai aya anouyawo apo varimi vazhinji munyika vari kugunun'una kuti mbeu nefetereza zvavari kupihwa nehurumende pasi pechirongwa cheCommand Agriculture zviri kunonoka kusvika kwavari iyo mvura ichingonaya.

Mumwe murimi akatarisana nedambudziko iri ndiAmai Getrude Moyo vanorima vari munharaunda yeBeatrtice avo vanoti dambudziko ravakatarisana naro nderekushaya mukana wekuwana mari yekurimisa.

VaTsvangirai vanoti hapana chirikubuda mukurima nekuti vanhu vazhinji vanokwanisa kurima havana kupihwa minda asi vakuru-vakuru muhurumende vachingokumba mapurazi avasingagone kushandisa.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvekurima VaJoseph Made kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

VaTsvangirai vakurudzirawo kuti makambani akavharwa avhurwe kuitira kuti veruzhinji vawane mabasa.

Kurudziro yaVaTsvangirai iyi inouyawo apo sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions richiti pane mazana-nemazana emakambani akavharwa muna 2016 zvichitevera kuoma kwaita zvinhu munyika.

Izvi zvinouyawo panguva iyo hurumende iri kutadza kugadzira mabasa mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviyi akavimbiswa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pavaitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemuna 2013.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG