Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe neSouth Africa Dzinonyorerana Zvibvumirano Munyaya dzezveUpfumi


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaJacob Zuma.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaJacob Zuma.

Zimbabwe neSouth Africa nemusi weChina dzanyorerana zvibvumirano zvakawanda zvakanangana nekuvandudza hupfumi hwenyika mbiri idzi.

Nyika mbiri idzi dzanyoreranawo chibvumirano chezvemuchadenga chichaita kuti ndege dzekuSouth Africa dzakawanda dzikwanise kumhara muZimbabwe.

Izvi zvinotevera musangano waitwa pakati pemakurukota emapazi akasiyana-siyana ehurumende idzi wanga uchidaidzwa kuti bi-national commission unove wekutanga wakadai kuitwa nenyika mbiri idzi.

Vachitaura pamusangano uyu, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakurudzira vemabhizimusi vekuSouth Africa kuti vauye kuzosima mari dzavo muZimbabwe vachiti mabhizimusi avo haana chinoawana.

"Ndinoda kusimbaradza vemabhizimusi vekuSouth Africa kuti mabhizimusi avo akachengetedzeka muno uye tinodawo kuona vemabhizimusi vemuZimbabwe vachivhurawo mabhizimusi avo kuSouth Africa," VaMugabe vadaro.

Mashoko aVaMugabe aya anouyawo apa vekunze vazhinji vari kubatwa nenhetemwa panyaya yekusima mari yavo muno pamusana pemutemo wakaiswa nehurumende wekuendesa hupfumi kuvatema.

Kunyange hazvo VaMugabe vasina chavataura pamusoro pekutya kuri kuita vekunze vakawanda kusima mari yavo muZimbabwe, vati chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema chazvara anamuzvinabhizimusi vatsva vanogona kuita kuti hupfumi hweZimbabwe neSouth Africa husimukire.

Zvichakadai, mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakurudzira kuti pawumbwe hwaro hunoita kuti vemabhizimusi vakwanise kushanda zvakanaka.

"Patinoita izvi tinofanira kutarisa nyaya yekudyidzana munyaya dzehupfumi. Nokudaro tinofanira kuona kuti vemabhizimusi havana zvibingamupinyi zvavanosangana nazvo mukuita mabhizimusi avo. Tinofanirawo kuona kuti pavakwa muganhu mumwe chete pakati penyika dzedu kuitira kuti vanhu vafambe vakasununguka," VaZuma vadarowo.

Zvichakadaro, gurukota rinowona nezve kunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi vati zvimwe zvibvumirano pakati penyika mbiri idzi zvichiri pakati pekuzeyewa uye zvichasainwa munguva pfupi iri kutevera.

VaMbengegwi vati nhaurirano dziri kuitwa dzakanangana nekuchengetedzeka hukama kwenyika mbiri idzi, zvekushanyirwa kwenyika nezvimwe zvakawanda.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG