Accessibility links

Breaking News

VaPatson Dzamara Vorohwa Zvakaipisisa, Muzvare Fadzayi Mahere neVamwe Vachisungwa


Dr Patson Dzamara vari muchipatara
Dr Patson Dzamara vari muchipatara

Mapurisa nevasori nhasi vadzivisa vanhu kuratidzira muHarare nemuBulawayo pachirongwa change chichidaidzwa nemasangano akaita seTajamuka, Hash Tag This Flag, This Flower nemamwe kuti "Munhu Wose muRoad."

Chirongwa ichi change chakananganga nekuratidza kwemasangano aya kusafara nenyaya yekuparurwa kwemabond notes uye huwori. Asi vakawanda vange vachitungamira kuratidzira uku varohwa zvakaipisisa nekukandwa mujeri.

Mumwe wevanga vachitungamirira kuratidzira kwanga kuchida kuitwa uku VaPatson Dzamara, vanonzi vakapambwa nemusi weChina manheru vakaitwa kafiramberi nevari kufungidzirwa kuti vasori.

VaDzamara vanoti vakapambwa nevanhu vaifamba nemotokari avo vanonzi vakavharidzira motokari yavo mumugwagwa vakaipfura nepfuti. Vanoti vakarohwa zvakaomarara vakasiya vakandwa musango pedyo nekuLake Chivero kunze kweHarare.

Mumwe wevaifamba naVaDzamara, VaNashe Bensen Salani, havaasi kuzivikananwa kuti varipi zvichitevera chiitiko ichi.

VaDzamara, avo vave kurapwa pane chimwe chipatara muHarare, vanoti kushungurudzwa kwavari kuitwa nehurumende hakusi kuzovadzosera kumashure

Mumwe wevanga vachitungamira hurongwa hwanhasi, VaSten Zvorwadza vati pasungwa vanhu vakawanda uye vasungwa ava vanosanganisira gweta rine mukurumbira, Advocate Fadzayi Mahere, ava vanga vachitsigirawo kuratidzira uku padandemutande kana kuti pa internet.

Mutungamiri webato rePeople's Democtratic Party, VaTendai Biti, avo vakakundikana kuratidzira muHarare nepamusana pekusungwa kwanga kuchiitwa vanhu vaudza Studio 7 kuti zvaitwa nehurumende zvinoitwa nehurumende isingakoshese zvido zvevanhu.

Mapurisa amuka akazadza dhorobha rese uye aswera achingosunga vanhu vanga vachifungidzirwa kuti vari kuda kuratidzira.

KuBulawayo zvinonzi mapurisa avhiringidzawo kuratidzira kwange kwakarongwa. Muzvare Lynda Masarira vanorwira kodzero dzevanhu vange vari mudhorobha iri vaudza Studio 7 kuti vaona kuti kuda kuratidzira kwaizoguma kwaita kuti vanhu vaitwe kanyama kanyama nemapurisa.

Hurukuro naMuzvare Lynda Masarira
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vari kupikisana nehurongwa hwekuunzwa kwema bond notes vanoti hurumende iri kuda kudzosa dhora remuZimbabwe nerweseri.

Asi gavhuna webhanga guru munyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya vanoti mabond notes aya achapihwa semubairo kuvanhu vachange vachitengesa kunze kwenyika.

Asi mashoko ari kukushambadzirwa munhepfenyuro neRBZ ari kubuditsa pachena kuti mari iyi ichange ichishandiswa chero nani zvake.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG