Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatanhatu Vanosungwa Vachiratidzira muHarare


Zimbabwe Republic Police
Zimbabwe Republic Police

Kuratidzira uku kwatangira pamuzinda weMDC paHarvest House apo varatidziri ava vaimba vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana vachinanga kuparamende.

Mapurisa anorwisana nemvongamupopoto asunga vanhu vatanhatu ndokubva avhiringidza kuratidzira kwaitwa nenhengo dzeMDC-T pamwe neTajamuka muHarare idzo dzanga dzichiti dzinoda kuti hurumende ibvise ma bond notes mumabhanga.

Kuratidzira uku kwatangira pamuzinda weMDC paHarvest House apo varatidziri ava vaimba vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana vachinanga kuparamende.

Vasati vatanga kuratidzira, mutungamiri weboka revechidiki muMDC-T, VaHappymore Chidziva, vaudza varatidziri ava kuti havasi kufara nema bond notes akaparurwa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe neMuvhuro.

VaChidziva vati sezvo hupfumi hwenyika hwaita madamburikiti mashatekuzhe mutariro wemadhende, VaMugabe vave kufanirakusiya matomhu voenda pamudyandigere.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe wevaratidziri ava, VaHardlife Mudzingwa, avo vaudza Studio 7 kuti kuunzwa kwakaitwa mari iyi hakusi kubatsira kupedza dambudziko rekushayikwa kwemari mumabhanga.

Varatidziri ava pavanga voda kusvika kuparamende vabva vagamuchirwa nemapurisa anorwisa mvongamupopoto ayo avadira mvura inovava nekuvakandira zvombo zvehutsi hunokachidza.

Varatidziri ava vabva vaita hushamwari nemhepo vachiita aziva kwake aziva kwake vamwe vachitizira mumitsetse yevanhu vanga vachitsvaga mari mumabhanga pamwe nemuzvitoro.

Mapurisa abva atanga kudeedzera kuti vanhu vabve mumitsetse iyi uye vezvitoro vabva vavharawo vakazovhura havo mushure memaawa akati kuti.

Mapurisa azoswera oita hwekiti negonzo nevaratidziri avo vanga vave kuratidzira vari muzvikwata zvikwata munzvimbo dzakasiyana-siyana mudhorobha. Zvimwe zvitoro zvinonzi zvapwanywa nevaratidziri ava asi hatina kukwanisa kuziva kuti pane zvatorwa here muzvitoro izvi.

Hurumende yakaparura ma bond notes neMuvhuro ichiti achashandiswa kupa mubayiro kune vanenge vatengesa zvinhu kunze kweyika.

Asi ma bond notes aya ave kungowanikwa nemunhuwo zvake kubhanga.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti ma bond notes aya yatove mari chaiyo izvo zvaiwanzotaurwa nevari kushora ma bond notes aya avo vanoti hurumende iri kudzosa dhora remuZimbabwe nerweseri.

XS
SM
MD
LG