Accessibility links

Breaking News

VeMuzvitoro Voramba Kutambira Makadhi ekuBhanga


Veruzhinji muHarare vanoti havasi kufara nezvave kuitwa nevezvimwe zvitoro zvekunzi vatenge nemari chaiyo pakutenga zvimwe zvinhu kwetese kushandisa makadhi ekubhanga.

Zvimwe zvitoro zvinonzi zvakumanikidza vatengi kuti vashandise mari kutenga zvimwe zvinhu zvakaita semafuta kwete kushandisa makadhi ekubhanga kana dzimwe nzira dzakaita seEcocash.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Takudzwa Dzumbunu vati dambudziko iri rafararira nezvitoro zvakawanda zvavanoti zviri kukonzera kuti vashaye zvekuita sezvo vanhu vazhinji vanga vorarama nekushandisa makadhi ekubhanga kana kubhadhara neEcocash sezvo mari dziri kushyaikwa kumabhanga.

Asi Amai Winnet Bhasera vanoti ivo semunhu ave pamudyandigere zviri kuvawomera kuti vanzi vasashandise makadhi ekubhanga pakutenga zvimwe zvinhu muzvitoro vachiti havakwanise kuswera vakamira pamitsetse yekumbhanga kuti vakwanise kuwanisa mari yekutenga zvavanenge vachida.

Asi Muzvare Kudzai Chaparadza vatiwo kunyangwe hazvo iri riri dambudziko kuvatengi, vezvitoro vanenge vachidawo kubhadhara vashandi nemari yacho saka zvakakoshawo kuti veruzhinji vashandise musvo wemari pakutenga. Vaenderera mberi vachiti makambani anogadzira zvinhu akaita semafuta anodawo mari yekutenga kubva kunze kwenyika zvaanoshandisa mukugadzira zvinhu.

Vamwe vakuru munezvimwe zvitoro zvashanyirwa neStudio 7 varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti havabvumidzwe kutaura pamhepo nevakuru vavo. Kunyangwe hazvo varamba kutaura, zvinyorwa zvanga zvakanamatidzwa muzvitoro izvi zvanga zvichiti vanhu vanofanira kutenga nemari chaiyo kwete makadhi sezvo kwavanohodha kuchidiwa musvo wemari.

Umwe mushandi pane imwe kambani inogadzira mafuta iri muHarare uyo aramba kudomwa nezita ati imwe yemichina yavanoshandisa pakusvina mafuta inoda kutengerwa zvinhu kana kuti ma parts kubva kunze kwenyika saka zviri kuvatorera nguva yakareba kuti vawane mvumo yekuburitsa mari iyi kubva kubhanga guru renyika reRBZ.

Kubva pakatanga kunetsa kushayikwa mari kumabhanga, RBZ yakabva yatora danho rekuti vese vanoda kutenga zvinhu kunze vanofanira kutanga vapihwa mvumo neRBZ.

Zvichakadai, tsvangiridzo yaitwa neStudio 7 yaburitsa pachena kuti zvimwe zviteshi zvinotengesa mafuta edzimotokari zvavekuti munhu awedzere imwe mari pamusoro kana achishandisa kadhi rekubhanga pakutenga mafuta emotokari.

Vashandi pane chimwe chiteshi chepeturu chiri pakati pedhorobha vati chikonzero chiri kuita kuti vaite izvi ndechekuti vanobatirwa mari kubhanga kana voda kutora mari iyi zvavati zvinoita kuti varuze mari yakawanda kana vasingawedzere mari shomanana pamusoro pemari yakatarwa kuti vatengese nayo mafuta edzimotokari.

Hatina kukwanisa kutaura nevasangano rinomirira vatengi reConsumer Council of Zimbabwe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG