Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Okurudzira Vanhu Kuti Varambe maBond Notes


VaJohn Mangudya
VaJohn Mangudya

Vemasangano akazvimirira vakabvumirana nhemusi weMuvhuro kuti vataure neve ruzhinji kuti varambe mabond notes ari kuda kuparurwa ne hurumende mwedzi uno.

Vemasangano anoshanda akazvimirira vakabvumirana kuti vapinde muvanhu vachiva kurudzira kuti vatore matanho nehurongwa hwekuda kuunza mabond notes aya.

Sachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinove raronga musangano uyu, Muzvare Sally Dura, vati zvakakosha kuti veruzhinji vasarambe vakapeta mawoko avo ivo vachitsutsumwa.

Muzvare Dura vati vabvumiranawo zvakare kuti veruzhinji vazeye nyaya yehuwori hwatekeshera munyika zvikuru sei muhurumende.

Doctor Patson Dzamara, avo vanoshanda nesangano reOccupy Africa Unity Square vaudza musangano uyu kuti chave kudikanwa ndechekuti munhu wese apinde mumigwagwa achiratidzira kudzamara zvido zveveruzhinji zvazadziswa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano re Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze vati chanyanyonetsa ndechekuti vari muhurumende vari kuswerotambisa nguva vachitarisa kuti achatora matomhu kubva kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndiyani vasingaite zvinoda kuitwa kuti hupfumi hwenyika huvandudzwe.

Vatiwo misangano iri kuitwa nagavhuna webhanga guru renyika VaJohn Mangudya ne veruzhinji inoratidza pachena kuti hurumende iri kuda kudzosa mari yemuZimbabwe nerweseri sezvagara zvichitaurwa nevari kupikisa hurongwa hwemabond notes uyu.

VaMangudya neMuvhuro vakaita musangano nevagari vekuBanket vachiti vari kutsanangurira veruzhinji masevenzeserwo achaitwa mabond notes.

RBZ inoti mabond notes achashandiswa semubairo kune vanenge vachitengesa zvinhu kunze kwenyika kana kuti export incentive. VaMangudya vanotiwo mabond notes achaparurwa mukupera kwemwedzi uno.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG