Accessibility links

Breaking News

Mufundisi Osungirwa Kuti VaMugabe Vachafa Muna Gumiguru


Pastor Patrick Mugadza
Pastor Patrick Mugadza

Mufundisi wesvondo yeRemnant Pentecostal Church yekuKariba, VaPatrick Mugadza, vasungwa muHarare neMuvhuro mushure mekunge vaudza nyika kuti vakaudzwa naMwari kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachafa gore rino.

Mapurisa emuHarare nhasi asunga Mufundisi Mugadza pamusoro pemashoko avo ekuti vanoti vakaudzwa naNyadenga musi wa26 Zvita gore rapera kuti VaMugabe vachafa musi 17 Gumiguru gore rino.

Mumashoko avo, VaMugadza vakakurudzira kuti VaMugabe vanamate zvakasimba kuitira kuti vasasangane nerufu urwu uye vakati havashuvire kuti mutungamiri wenyika afe.

VaMugabe vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nematatu ekuberekwa (93) musi wa 21 Kukadzi.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charamba, vaudza Studio 7 parunhare kuti VaMugadza vapomerwa mhosva yekuita zvisina maturo kana kuti "criminal nuisance."

Gweta rinoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, uye ririro riri kumirira VaMugadza, VaGift Mtisi, vaudza Studio 7 parunhare vari pakamba yemapurisa yeHarare Central kuti VaMugadza vambenge vapomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika, kana kuti "undermining the authority of the president," asi mhosva iyi yazochinjwa kuve yekuita zvinhu zvisina maturo sezvataurwa naAmai Charamba.

VaMtisi vati VaMugadza varamba kubhadhara mari yefaindi vachiti havana mhosva yavakapara kubudikidza nemashoko avakataura vachiti vakaudzwa naMwari.

Vatiwo kusungwa kwaVaMugadza kunotyora kodzero dzavo dzekunamata vakasununguka vachiti nyaya iyi ingangoendeswa kumatare mangwana kana VaMugadza vakaramba vakatsika madziro.

Zvichakadai, imwe nhengo yechechi yaVaMugadza, Amai Nester Mugwenhi, vashora kusungwa kwaVaMugadza vachiti uku kushungurudzwa kuri pachena.

Mumwe mugari wemuHarare anopinda chechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries inotungamirwa naVaWalter Magaya, Muzvare Patricia Nhemachena, vati maporofita kana mafundisi vanofanira kusiiwa vachiita basa ravo vasingambunyikidzwe kana kutyisidzirwa.

VaMagaya vakaburitsawo mashoko ekuti pane munhu anoita zvematongerwo enyika ane mukurumbira achafa gore rino kunyange hazvo vasina kutaura kuti munhu uyu ndiyani.

Kusungwa kwaVaMugadza kunoyawo apo gurukota rinowona nezvematunhu uye varivo murongi wemisangano mubato reZanu PF, VaSaviour Kasukuwere, vaudza bepanhau reNewsday kuti hurumende ichatora matanho nemaporofita avanoti ari kutaura zvinhu zvisina maturo zvingangokonzera kusagadzikana munyika.

VaMugadza vanogara vachiratidzira kusafara kwavo nehutungamiri huri munyika uye vakambosungwa mushure mekuratidzira vari voga pamusangano wepagore webato reZanu PF wakaitirwa kuVictoria Falls vachiti VaMugabe vanofanira kusiya basa vachivapomera mhosva yekutadza kufambisa zvinhu zvakanaka munyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG