Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vogara Vakabatira Ura Mumako Vachitya Chirwere cheTyphoid


A doctor examins a child suffering from typhoid at a local infectious disease hospital in Harare, Tuesday, Nov.15, 2011. Health authorities say 207 cases of typhoid, spread by contaminated water and food, are being treated in Zimbabwe's capital after a pr

Vagari vemuHarare vakaita saAmai Primrose Gwashu vanogara mumusha weveruzhinji weMbare vanoti vave kutyira hupenyu hwavo zvichitevera mvura ine tsvina yavari kunwa yavanoti iri kubuda mupombi dzekanzuru.

Vagari vemuHarare vanoti havasi kufara nemvura yakasviba yavanoti iri kubuda mupombi dzemvura yekanzuru panguva iyo chirwere che typhoid chichinzi chiri kupararira muHarare.

Vagari vemuHarare vakaita saAmai Primrose Gwashu vanogara mumusha weveruzhinji weMbare vanoti vave kutyira hupenyu hwavo zvichitevera mvura ine tsvina yavari kunwa yavanoti iri kubuda mupombi dzekanzuru.

Dambudziko remvura ine tsvina mudzipombi rinonzi ratekeshera muHarare yose.

Muzvare Farisai Janhi avo vanogara mumusha weGlen View vanoti ivo nemhuri yavo vave kutorarama nekunwa mvura yekutenga sezvo vachiti havachavimbe nemvura yekanzuru.

Mumwe mugari wekuMbare, VaTrynos Gombera, vaudza Studio7 kuti zvirwere zvemanyoka zvakaita se typhoid ne cholera hazvingaregedze kupararira kana pasina hutsanana munzvimbo dzinogara veruzhinji.

Pane vanhu vakawanda vanonzi vakaenda kunorapwa muzvipatara zvakasiyana-siyana zviri muMbare mumushure nekubatwa nezvirwere zvaifungidzirwa kuti ityphoid.

Zvichakadai, Meya weguta reHarare, VaBenard Manyenyeni, varamba mashoko ekuti chirwere che typhoid chiri kukonzerwa nemvura ine tsvina inonzi iri kubuda mudzipombi.

VaManyenyeni vaudza Studio 7 parunhare kuti vagari vese vemuHarare vangadai vakabatwa nechirwere ichi sezvo vachiti mvura yose inonwiwa muHarare inobva panzvimbo imwe chete.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vati vachaferefeta nyaya yemvura ine tsvina inonzi iri kubuda mupombi dzekanzuru iyi.

Zvichakadai, hurumende yakawumba komiti yemakuruokota ehurumende ichange ichiwona nezvekupedzwa kwechirwere che typhoid icho chakatouraya munhu mumwe chete kuMbare.

Gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, vari kukurudzira kuti veruzhinji vageze mawoko vasati vabata zvekudya uye kuti vatange vadziisa mvura vasati vainwa.

VaParirenyatwa vakazivisa nezuro kuti kanzuru yeHarare ichashanda siku nesikati kubvisa tsvina munzvimbo dzakawanda muguta iri pamwe nekugadzira pombi dzinofambisa mvura inenge yanaya kuitira kuti isajenge senzira yekuedza kupedza dambudziko rezvirwere zvemanyoka.

Muna 2008, pane vanhu vanodarika zviuru zvina vakaurayiwa nechirwere chekorera.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG