Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoparura Chirongwa cheTakura Mwana Tiende


Bereka Mwana Tiende
Bereka Mwana Tiende

Vechidiki vebato reMDC inotungamirwa, naVaMorgan Tsvangirai vakapurura neSvondo chirongwa chekukurudzirana pachavo kuti vanyorese kuvhota musarudzo dza2018 pasi pedingindira rinoti Bereke Mwana Tiende.

Vechidiki veMDC T vakaparura chirongwa chavo muMufakose vachiimba nezvechirongwa cheBereke Mwana Teinde.

Vachiparura chirongwa ichi, sachigaro weMDC T Youth Assembly, VaHappymore Chidziva, vakati vechidiki munyika vanofanira kuvhota kuti vasunungure nyika kubva kuhutongi hwebato reZanu PF.

Vakati chirongwa cheBereka Mwana Tiende chakanangana nekuona kuti vechidiki navose vanokodzera kuvhota vanyoresa kuti vakwanise kuvhota musarudzo dza2018.

Vakati chirongwa ichi ndechimwe chezvirongwa zvakawanda zviri kuitwa nebato ravo zvekuona kuti vanhu vese munyika vane kodzero yekuvhota, vanyoresa kuvhota, vachiti vhoti chete ndiyo nzira yega inoita kuti bato rikunde musarudzo.

Vakatiwo pane chirongwa che #99 icho chakanangana nekuti vese vane makore gumi nemanomwe gore rino vatore zvitupa kuti vagokwanisa kuvhota gore rinouya.

Vakati rwendo runo bato ravo harizi kuzopedza nguva richiita ma rally asi richapinda pamusha wega wega richitsvaga rutsigiro pamwe nekuona kuti munhu wqese anyoresa kuvhota.

VaChidziva vakati kana hurumende yaVaRobert Mugabe ikada kuenderera mberi nesarudzo mitemo yesarudzo isina kushandurwa vachavhiringa sarudzo idzi.

Mutungamiriri wevechidiki mubato iri mudunhu reHarare, VaPaul Gorekore, vakati vabereki vese munyika pamwe nevedzisvondo vanofanira kukurudzira vechidiki kunyoresa kuvhota.

Sachigaro wemadzimai muMDC-T mudunhu reHarare, Amai Ronia Bunjira, vakati vanotsigira vechidiki pachirongwa chavo uye shuviro yavo ndeyekuti dai vanhu vese vanyoresa kuvhota kuti vaunze shanduko gore rinouuya.

Vatungamiri vakawanda vebato iri kusanganisira mumwe wevatevadzeri vemutungamiriri webato iri, VaNelson Chamisa, munyori mukuru webato iri, VaDouglas Mwonzora, nemutevedzeri wavo Amai Paurina Mpariwa-Gwanyanya, nhengo dzakawanda dzeparamende dzakapinda musangano uyu dzichiti sarudzo dza2018 dzidzo dzekuunza shanduko munyika.

VaMwonzora vakati vari kunyora tsamba kuna VaMugabe nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vachivaudza kutihavachada kuti Zimbabwe Electoral Commission ione nezvesarudzo sezvo ichitsigira Zanu PF.

Vakati vanoda kuti United Nations neAfrica Union vaone nezvesarudzo dza2018.

Vakati vachaudza veruzhinji mhinduro pamusangano wavachaita nemamwe mapato ari muNational Electoral Reforms Agenda, NERA, muAfrica Unity Square nemusi weChitatu.

Pari zvino mapato anopikisa kusanganisira MDC T ari kuda kuti mitemo yesarudzo ushandurwe kuitira kuti sarudzo dziitwe zvakachena.

Pari zvino mapato aya ari kupokana nehurumende nenyaya yekutengwa kwemichina yekunyoresa vanhu kuvhota yeBiometric Voter Registration.

United Nations Development Program ndiyo yange yapihwa mvumo yekutenga michina iyi mushure mekunge hurumendde yati yainge isina mari.

Asi hurumende inoti yave nemari yekutenga michina iyi, nokudaro yave kuenderera mberi nekutenga michina iyi..

Asi vemapato anopikisa vanoona sekunge hurumende yave kuda kupindira mumafambisirwo esarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG