Accessibility links

VaMugabe Vanotanga Chirongwa Chekusangana neChidiki Vachishora Zvikwata Zviri MUbato Ravo

  • Thomas Chiripasi

Mugabe 1

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaita musangano nevechidiki kuMarondera mudunhu reMashonaland East pavatsoropodza nyaya yezvikwata zvikwata zviri mubato ravo vachiti izvi zvauraya bato ravo reZanu PF.

Vachitaura pamusangano uyu uyo wapindwa nezviuru nezviuru zvevanhu, VaMugabe vati havasi kufara nekusawirirana kuri mubato ravo.

Mashoko atsinhirwa nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe avo vataurawo pamusangano uyu.

VaMugabe vatiwo varungu vese vakasara mumapurazi vachatorerwa mapurazi aya ogopihwa veruzhinji kunyanya vechidiki avo vasvitsa chikumbiro kumutungamiri wenyika chekuti havana kuwana minda pakaitwa chirongwa chekugovera vatema minda.

Vasvora vamwe vakagoverwa minda vanonzi varikudzosa varungu nerweseri. Vatiwo hurumende ichatorera vanhu mapurazi kana vaine akawanda.

Mashoko aya anouyawo apo ivo VaMugabe nemhuri yavo vachinzi vane mapurazi akawanda.

Vatorawo mukana uyu kuzivisa kuti vane mapurazi ari mumatenganyika vachatorerwa kana vasiri kushandisa mapurazi aya zvakakwana.

Munyori muboka revechidiki muZanu PF, VaKudzai Chipanga, vafananidza VaMugabe nengirozi vachiti kana vari pasi pano vakamiririra Mwari.

Vasati vauya kuzosangana nevatsigiri vavo, VaMugabe vaita musangano nehutungamiri hwevechidiki mudunhu reMashonaland East pamahofisi ebato ravo muno muMarondera pavanonzi vapirwa zvichemo zvevechidiki.

VaMugabe vakatarisirwa kutenderera nenyika yose vachiita misangano yakadai nevechidiki.

Asi nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisi Coalition in Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vanoti vechidiki vari kuenda kunoona VaMugabe vari kutonetsekanawo kuti chii chaizvo chiri kuitwa nemunhu akwegura saVaMugabe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG