Dare reHigh Court rapa Mufundisi Evan Mawarire mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomera yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaMugabe.
VaMawarire, avo vakasungwa svondo rapera panhandare yendege yeHarare International Airport, vanzi vabhadhare mari yechibatiso inoita mazana matatu emadhora, uye kusiya kudare pasipoti yavo.
Mutongi wedare, VaClement Phiri, vati VaMawarire vanofanira kuzvipira kumapurisa kaviri pasvondo.
Asi VaMawarire havana kukwanisa kuburitswa mujeri sezvo mapepa avo ekuburitswa mujeri anga asati aunganidzwa sezvinodiwa nemutemo.
Magweta avo anoti vari kutarisirwa kuburitswa mujeri neChina masikati.
VaMawarire vanonzi vakashandisa dandemutande vachikurudzira veruzhinji pasi rose kuti varatidzire kumusangano weUnited Nations General Assembly wakaitirwa kuNew York gore rapera.
Hurumende inoti izvi zvinoratidza kuti VaMawarire vaikurudzira kuti veruzhinji vapandukire hurumende.
VaMawarire vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti chavari kuda chete ndechekuti VaMugabe vachisiya basa vachiti vatadza kutungamira nyika zvakanaka.
VaMawarire vakambosungwa gore rapera asi nyaya yavo yakaraswa nedare redzimhosva richiti kodzero dzavo dzainge dzatyora.
Vakabuda munyika gore rapera vachiti vari kutyira hupenyu hwavo. Pavakadzoka neChitatu chapfuura, vakabva vasungwa vachingosvika panhandare yendege muHarare.
Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, nyaya yakakwidzwa kudare repamusoro-soro negurukota rinowona nezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, yekuti komisheni inorwisana nehuori yeZimbabwe Anti Corruption Commission haina simba rekuvasunga, yapfuudzirwa kumberi nedare sezvo mapepa akakwidzwa kudare nemagweta aVaMoyo anzi anga asina kunyorwa manhamba pamapeji.
Nyaya iyi ichadzoka mudare muzuva risina kutarwa nedare.
VaMoyo vari kupomerwa mhosva yekushandisa mari inodarika zviuru mazana mana zvemadhora kubva muhomwe yeZimbabwe Manpower Development Fund zvine huori mukati.
Asi vari kuramba nyaya iyi vachiti vakatora mari iyi vachinopa vanotambura kuTsholotsho pamwe nekutengera madzishe nemasabhuku kunzvimbo iyi mabhasikoro.
Facebook Forum