Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoviga VaMurozvi Vachishora Vakarwira Rusununguko


Zimbabwe President Robert Mugabe at 2016 Annual Zanu
Zimbabwe President Robert Mugabe at 2016 Annual Zanu

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vashora vamwe vevaimbova varwi muhondo yerusununguko vachiti vave kukara masimba.

VaMugabe vakurudzira kuti vanhu vabatane mubato ravo reZanu PF iro raita zinyekenyeke. VaMugabe vataura mashoko aya pakuradzikwa kwegamba renyika Brigadier General James Murozvi.

Vachitaura neChitatu pamarinda anovigwa magamba enyika paHeroes Acre muHarare, VaMugabe vashora vamwe vevakarwa muhondo yerusununguko vachiti vave kuda masimba zvakanyanyisa vakakurudzira kuti vanhu vese vakaenda kuhondo, vashande pamwe chete kuitira kuti hupenyu hweveruzhinji husimukire.

Kunyange hazvo VaMugabe vasina wavadoma nezita, mashoko avo aya anouyawo apo vatungamiri vesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans vakabvumirana kuti vachashanda zvakasimba kuti veruzhinji vasarudze mutungamiri wavanoda pasarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Vatungamiri vesangano revakwarwa muhondo yerusununguko vanoti VaChristopher Mutsvangwa naVaDouglas Mahiya avo vakadzingwa muZanu PF ndevamwe vevanga vari pataurwa mashoko aya.

Zvichakadai, VaMugabe vakurudzira kuti vanhu vari mubato ravo reZanu PF vabatane sezvo mumusangano wavo mave kuitwa bvondawaponda matambiro ezvidhakwa nekuda kwezvikwata-zvikwata zvave mubato iri.

Mashoko aya anouya apo murongi wemisangano muZanu PF, VaSaviour Kasukuwere, vari kurongerwa kudzingwa pachinzvimbo chavo vachinzi vari kuronga zvekutorera VaMugabe masimba.

Nekune rumwe rutivi zvinonziwo pane chikwata chinotungamirirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chiri kuzvidaidza kuti Team Lacoste, icho chiri kukwidzana necheGeneration 40 kutora matomhu kubva kuna VaMugabe.

VaMugabe vashamisa vanhu vakawanda mushure mekuuya kurufu urwu vakadimurirwa bvudzi zvavasati vamboita.

Vakanangana nemushakabvu, VaMugabe vatsanangura VaMurozvi semunhu akazvipira kusungura nyika kubva kuhutongi hwevachena pamwe nekushandira nyika kudzamara vaenda kwamupfiganebwe.

Mashoko aVaMugabe aya atsinhirwa naGeneral Douglas Nyikaramba.

Ataura akamirira mhuri yemushakabvu, VaAgustine Mazuru, vaudza chita chevanhu vanga vari pakuradzikwa kwaVaMurozvi kuti mushakabvu munhu asiya gwanza richanetsa kuvhara mumhuri.

Brigadier General Murozvi vakaberekwa musi wa 2 Chikumi muna 1956 vakasiya zvidzidzo zvehudzidzisi kuenda kuMozambique kunobatana nevamwe vaiva varwi muhondo yerusununguko.

Hondo yapera, VaMurozvi vakapinda muchiuto vakaramba vachikwira nezvinzvimbo kudzamara vave Brigadier General.

Pavazofa, VaMurozvi vange vave principal director mubazi rinowona nezvevakarwa muhondo yerusununguko.

VaMurozvi, avo vakashaya musi wa6 Kubvumbi mushure mekurwara nechirwere cheshuga, vasiya mudzimai Retired Group Captain Joice Muronzvi, vanasikana vaviri, nevanakoma vatatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG