Accessibility links

Breaking News

Pastor Mawarire Vanonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Pastor Evan Mawarire
Pastor Evan Mawarire

Dare redzimhosva rinoti Pastor Evan Mawarire vanofanirwa kugara muchitokisi kudzamara musi 17 Kukadzi apo vachaunzwa mudare iri.

VaMawarire vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vachinzi dare remajisitireti harikwanisi kutaura nezvenyaya yechibatiso sezvo mufundisi wesvondo ye His Generation vari kupomerwa mhosva yekuronga zvekuda kupidigura hurumende.

VaMawarire vari kupomerwa zvakare mhosva yekushandisa mureza wenyika zviri kunze kwemutemo.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaEdmore Nyazamba vaudza dare kuti VaMawarire, avo vanoshanda neboka reThis Flag, vakaronga zvekupidigura hurumende yaVaRobert Mugabe kubudikidza nekurudzira vanhu vari pasi rose kuti vaungane vachiratidzira ku New York gore rapera paipindwa musangano weUnited Nations naVaMugabe muna Gunyana gore rapera.

VaNyazamba vati mavhidhiyo akaburitswa naVaMawarire padandemutande aipesvedzerawo vanhu kuti vapandukire hurumende.

Asi rimwe remagweta ari kumirira VaMawarire, VaHarrison Nkomo, vabva vasvitsa chikumbiro chekuti nyaya iri kupomerwa VaMawarire iraswe vachiti haina musoro.

VaNkomo vaudza dare kuti haisi mhosva kuti munhu ataure kuti mutungamiri wenyika anofanira kusiya basa kana achinge atadza kufambisa zvinhu zvakanaka munyika.

Vaenderera mberi vachiti kusungwa kwakaitwa VaMawarire kunotyora kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo yenyika dzekutaura zvavanofunga.

Mutongi wedare, VaElisha Singano, vatura mutongo wekuti pane fungidziro yakasimba yekuti VaMawarire vakapara mhosva yavari kupomerwa saka vanofanira kugara mutirongo kusvika musi wa17 mwedzi uno pachadzoka nyaya iyi kudare.

Zvaturwa nedare zvatsinhirwa naVaNkomo.

VaNkomo vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro sezvo matare amejasiriti asingabvumirwe kupa musungwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yakakomba seiri kupomerwa VaMawarire.

Mumwe wevanorwira kodzero dzevanhu munyika, Muzvare Linda Masarira, avo vanga vari mudare panga pachizeyewa nyaya iyi, vaudza Studio7 kuti kusungwa kwaVaMawarire kuri kuvashugurudza zvikuru.

VaMawarire vaudza vanhu vanga vakavamirira kuti vavaone vachipinda mumotokari inotakura vasungwa kuti veruzhinji vasatye zvavo vachivavimbisa kuti zvinhu zvichanaka chete munyika.

Mune imwewo nyaya yanga iri kumatare, nyaya iri kupomerwa mufundisi weRemnant Church, VaPatrick Mugadza, avo vakasungwa mushure mekunge vataura mashoko ekuti vakaudzwa naMwari kuti VaMugabe vachafa gore rino, yatadza kusimuka mumatare nepamusana pekuti vanochengeta vasungwa vatadza kuvaunza kudare vachiti havana mafuta.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG