Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weFreeZim Congress Anodzingwa Basa


Joseph Busha
Joseph Busha

Bato rinopikisa reFreeZim Congress rinoti radzinga mubato mutungamiri webato iri, VaJoseph Busha, richivapomera mhosva yekudyidzana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo mubato rinopikisa reFreeZim Congress mushure mekunge dzimwe nhengo dzekomiti yepamusoro yebato iri ye national executive dzabuditsa gwaro rine mashoko ekuti mutungamiri webato iri, VaJoseph Busha, vabviswa pachinzvimbo chavo vachipomerwa mhosva yekudyidzana naVaMugabe.

Mashoko aburitswa nenhengo idzi anoti VaBusha vari kushanda zvakakomba neZanu PF kuitira kuti pasawumbwe mubatanidzwa wemapato anopikisa pachazosarudzwa mutungamiri mumwechete achakwikwidzana naVaMugabe musarudzo dzegore rinouya.

Zvichitevera kudzingwa kunonzi kwaitwa VaBusha, dzimwe nhengo dzekomiti yepamusoro yeFreeZim Congress dzabva dzadoma hutungamiri hutsva hwebato huchange huina VaPeter Svinurai avo vaimbova munyori mukuru mubato iri semutungamiri mutsva webato iri.

Gwaro raburitswa iri riri kupomera VaBusha mhosva yekutonga zvine hudzvanyariri mukati uye zvechizivano mukupihwa kwevanhu mabasa mubato.

Zvichitevera mashoko aburitswa nevari kunzi ndivo vave kufanobata chigaro chemunyori mukuru mubato iri, VaTendai Musora, VaBusha vanoti havasi kutambira kudzingwa kwavaitwa vachiti ndivo vacharamba vari mutungamiri weFreeZim Congress.

VaMusora vati VaBusha vakaburitsa mari inoita chiuru chemadhora yakange yakanangana nemhemberero dzebhaVhadhe raVaMugabe asi VaBusha vati ichi hachisi chokwadi.

VaMusora vatiwo VaBusha vari kupawo boka revechidiki reTajamuka mari yekuti varwisane nehurumende izvo zvarambwa naVaBusha pamwe nemutauriri weTajamuka, VaPromise Mkwananzi.

VaMkwananzi vaudza Studio 7 kuti mashoko ari kutaurwa nevamwe vari muFreeZim Congress aya ndeekuedza kusvibisa zita ravo.

Zvichitevera kudzinga kwavanoti vaita VaBusha, VaMusora vanoti ivo seFreeZim Congress yave kutungamirirwa naVaSvinurai vatove nehurongwa hwekuita kongiresi yebato ravo uye vacharamba vachidyidzana nemamwe mapato ari kushanda kuti pawumbwe mubatanidzwa wemapato anopikisa pamwe nemubatanidzwa wemapato anopikisa ari kurwira kuti mitemo inoona nezvekufambiswa kwesarudzo ivandudzwe ayo ari kushanda ari pasi peboka riri kuzvidaidza kuti National Election Reforms Agenda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG