Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vabereki Voomerwa neMari yeBvunzo dzeO Level


Vamwe vana vakatarisirwa kunyora bvunzo dze O Level gore rino vanogona kutadza kunyora bvunzo idzi zvichitevera danho ratorwa nezvimwe zvikoro rekuti mari dzavanobhadhara kuti vanyore bvunzo idzi dzinge dzabhadharwa neChitatu.

Vamwe vevabereki vane vana vari kunyora bvunzo gore rino vanoti vaiswa parumananzombe nevakuru vezvikoro vavazivisa kuti mari dzekuti vana vavo vakwanise kunyora bvunzo dzeO Level muna Mbudzi wegore rino, dzinofanira kunge dzabhadharwa panotopera zuva mangwana kunyange hazvo boka rinowona nezvebvunzo munyika reZimbabwe Schools Examination Council, kana kuti Zimsec, rakazivisa kuti vabereki vanofanira kunge vabhadhara mari idzi panosvika musi wa21 mwedzi uno.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Abigael Gutuza, avo vane mwana anodzidza pane chimwe chikoro achigara pachikoro ipapo, kana kuti boarding, chiri kuMhondoro Ngezi mudunhu reMashonaland West, vaudza Studio7 kuti havana kufara nedanho ratorwa nechikoro chinodzidza mwana wavo.

Amai Gutuza vati danho iri rauya panguva iyo homwe yavo yakabooka uye vasina kana kwekupotera pakatariswa kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.

Mumwe mubereki ane mapatya anodzidza pane chimwe chikoro chiri munharaunda yeMarondera, VaJames Chidhakwa, vatsinhira zvataurwa naAmai Gutuza. VaChidhakwa vati vana vavo vaviri vanogona kutadza kunyora bvunzo dzavo dze O Level sezvo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo mumabhanga ose munyika.

Zvichakadai, VaJeffrey Chechete, avo vaimbova mumwe wevatungamiri vesangano rinomirira vadzidzi munyika reZimbabwe National Students Union, kana kuti Zinasu, vakurudzira bazi rinowona nezvedzidzo yepasi kuti ripindire munyaya iyi vachiti chinhu chinorwadza kuti mubereki anopedza makore gumi nerimwe chete achiendesa mwana kuchikoro asi vakuru vechikoro vozongomuka vachiti nguva yapera kuti mwana abhadhare mari yekunyora bvunzo.

Tsvagiridzo yaitwa neStudio7 yaburitsa pachena kuti zvikoro zvizhinji zvatora danho iri zvikoro zvine vana vanodzidza vachigara muzvikoro izvozvo.

Vakuru vezvimwe zvikoro vataura neStudio7 vasina kuda kubuda pamhepo vachiti havabvumirwe nemitemo yavo yebasa kutaura nevatori venhau, vati vatora danho iri nepamusana pekuti vachange vasiri muzvikoro izvi panguva iyo vana vachange vari pazororo.

Zvichakadai, munyori mubazi rezvedzidzo, Amai Sylvia Utete Masango, vati tivatumire mibvunzo yakanyorwa asi pataenda pamhepo vanga vasati vapindura mibvunzo iyi.

Nekune rumwe rutivi, gurukota mubazi iri, VaLazarus Dokora, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo kudzamara taende pamhepo.

Mashoko akaburuitswa neZimsec anoti boka rebvunzo iri rakawedzera mazuva ekuti vabereki vakwanise kubhadhara mari dzekuti vana vavo vakwanise kunyora dze O Level dzichanyorwa muna Mbudzi wegore rino kubva musi wa 24 Kurume kusvikira musi wa 21 mwedzi unouya richiti rakaona zvakakodzera kuti ripfuudzire mberi mazuva ekubhadhara sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika munyaya dzekuwanikwa kwemari kumabhanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG