Accessibility links

Breaking News

Sweden Inopa Zimbabwe $8m Yekubatsira Vanotambura


An employee rearranges the national flag of Sweden at the Swedish embassy in Minsk August 8, 2012
An employee rearranges the national flag of Sweden at the Swedish embassy in Minsk August 8, 2012

Hurumende yeSweden yapaZimbabwe mari inoita mamiriyoni masere emadhora ichabatsira mukusimudzira nharaunda dzine vanhu vari kutambura zvikurusei avo vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura.

Hurumende yeSweden yabvisa mari iyi ichiti ichashandiswa nesangano reUnited Nations Development Program, kana kuti UNDP, mukusimudzira mararamiro everuzhinji munharaunda dzakawirwa nedambudziko remafashamu emvura muchirongwa chiri kudaidzwa kuti Zimbabwe Resilience Building Fund kana kuti ZRBF.

Vachitaura pakupihwa kwaitwa mari iyi kuUNDP, mumiriri weSweden muZimbabwe, Amai Sofia Carlltorp, vati mari iyi ichanyanya kubatsira madzimai sezvo ariwo anowanzotarisana nematambudziko akawanda kana pachinge paita matambudziko akaita semafashamu pamwe nekusakohwa zvirimwa kwakakwana sezvakaitika mune dzimwe nzvimbo munyika kwakakonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze, kana kuti climate change.

Vanowona nezvekufambiswa kwemabasa muUNDP, Muzvare Enny Madzara, vaudza Studio7 kuti mari yabviswa neSweden iyi ichaita kuti hupenyu hwevanhu vakawanda vari munzvimbo dzakasaririra husimukire.

VaBwenje Clemence Taderera, avo vataura vakamirira munyori mubazi rezvekurima, VaRingson Chitsiko, pachiitiko ichi, vakumbira hurumende yeSweden kuti irambe ichibatsira hurumende yeZimbabwe munyaya dzebudiriro kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire kuitira kuti veruzhinji vasanhonge svosve nemuromo zvikurusei kana pachinge paita matambudziko akaita senzara pamwe nemafashamu akaitika mune dzimwe nzvimbo munyika gore rino.

Kunyange hazvo VaTaderera varamba kutaura neStudio 7 vachiti havana kupihwa mvumo negurukota rezvekurima, VaJoseph Made, yekuti vataure nevatori venhau, vati kana dzimwe nyika dzikapa rubatsiro serwapihwa nehurumende yeSweden zvinogona kuita kuti hurongwa hwehurumende hwekuvandudza hupfumi hweZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Tranformation kana kuti Zimasset, hubudirire.

Zvichakadai, Muzvare Madzara vati mari yabviswa neSweden iyi ichabatsira munzvimbo gumi nembiri dzine vanhu vari kushupika zvakakonzerwa nemafashamu pamwe nekusakohwa zvakanaka kwakakonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Chibvumirano ichi chasainwa paine vamiriri vebazi rezvekurima, bazi rinowona nezvekubatsira vanhu vanenge vasangana nenjodzi reCivil Protection Unit, vamiriri veEuropean Union, United Kingdom pamwe neveUNDP.

Mari iyi ichabatsira mukutengwa kwechikafu munzvimbo idzi kuchitungamirirwa neUNDP ichishanda nemasangano akaita se Care International, Action Aid pamwe neWelthingerhilfe.

Chirongwa cheZRBF chakaparurwa muna Kubvumbi 2016 chakananga nekubatsira kuraramisa vanhu vari mumatunhu makumi maviri nerimwe chete anonzi akatarisana nenzara.

Nzvimbo pfumbamwe dzabatsirwa nechirongwa ichi kubva pachakatanga dzinoti Binga, Umzingwae, Kariba, Mwenezi, Mbire, Umguza, Bubi, Nkayi pamwe neChiredzi uye UNDP inoti pane mari inoita mamiriyoni makumi manomwe emadhora akasendekwa parutivi kubatsira vanhu vari munharaunda idzi kwemakore mashanu kubva gore rapera.

Kunyangwe hazvo kwakaita mafashamu kune dzimwe nzvimbo munyika, hurumende inoti iri kutarisira kuti goho regore rino richange rakakura kwazvo kuburikidza nechirongwa chehurumende chekusimbaradza nyaya dzekurima cheCommand Agriculture zvichazoita kuti veruzhinji munyika vawane kudya kwakakwana.

Vanhu vakawanda vanonzi vachiri kupihwa chikafu nemsangano anoshanda akazvimirira sezvo vazhinji vasati vapedza kukohwa zvirimwa zvavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG