Accessibility links

VaKasukuwere Voiswa Pakaoma muZanu PF

  • Thomas Chiripasi

FILE - Zimbabwe's Minister of Youth Development, Indigenization and Empowerment Saviour Kasukuwere speaks during the Reuters Africa Investment Summit in Sandton, April 16, 2012.

Dzimwe nhengo dzebato reZanu PF mudunhu reMashonaland Central dzaratidzira muBindura neMuvhuro dzichiti murongi wemisangano mubato iri, VaSaviour Kasukuwere, vanofanira kusiya basa dzichivapomera mhosva yekuronga kutorera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, masimba.

VaKasukuwere vanonzi vari kuronga zvekubvisa VaMugabe pachigaro vachishanda vari muchipoka chiri kudaidzwa kuti Generation 40, kana kuti G40.

Nhengo idzi dzanga dzakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichitsoropodza VaKasukuwere uye zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi "Kasukuwere chibva, hatidi munhu anoda kupidigura president wedu".

Vamwewo varatidziri vanga vakatakura bhokisi rinoshandiswa pakuvigwa kwevanhu ranga rakanamatidzwa mifananidzo yaVaKasukuwere.

Mumwe wevanga vachitungamira kuratidzira uku uye vari nhengo yekomiti inomirira purovhinzi yeMashonaland Central muZanu PF, VaJohn Ngwenya, vati hachisi chokwadi kuti mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, ndivo vari kutungamira G40 vachiti VaKasukuwere ndivo musoro wechikwata ichi.

VaNgwenya vapomerawo VaKasukuwere mhosva yekuita huori vachiti vanofanira kubviswa pachigaro chavo chekuva murongi wemisangano mubato reZanu PF pamwe nemuhurumende mavari gurukota rinowona nezvematunhu.

Vati VaKasukuwere vari kupambawo migodhi yakawanda mudunhu reMashonaland Central vachivapa hama dzavo.

Zvichakadai, imwe nhengo yeZanu PF Central Committee, VaEphraim Mavhangira, avo vatambidzwa gwaro renyunyuto nevaratidziri ava, vaudza Studio 7 kuti pane dzimwe nhengo dzebato ravo dzasungwa dzavanoti dzanga dzatumwa naVaKasukuwere kuzokanganisa kuratidzira uku.

Gwaro renyunyuto iri, iro ranzi rinosvitswa kuna VaMugabe, riri kupomerawo VaKasukuwere mhosva yekutyisidzira vatori venhau pamwe nekuzvidza vaimbova varwi muhondo yekusunungura nyika kubva kuvachena.

Hatina kukwanisa kutaura naVaKasukuwere kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi vatsigiri veZanu PF vanonziwo vari kuronga kuratidzira kumatunhu ose enyika vachiti VaKasukuwere vabviswe pazvigaro zvavanazvo.

VaKasukuwere havasi ivo vekutanga kupomerwa mhosva yekuronga zvekubvisa VaMugabe pachigaro.

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, avo vave kutungamira bato reNational People’s Party, vakadzingwa muZanu PF pamwe nemuhurumende muna 2014 vachipomerwa mhosva imwecheteyo asi vanoti aya aiva manyepo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG