Vachitaura nevatori venhau neChishanu pamuzinda weZimbabwe Republic Police, mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vashora kurohwa kwakaitwa mamwe mapurisa negurusvusvu remasoja pakati pedhorobha nemusi weChipiri.
Vachiparura hurongwa hwekushandiswa kwemari munyika muHarare, gavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya, vati bhanga ravo richasimbaradza nyaya yekuti nyika iwane mari yekunze yakawanda kuburikidza nekutengesa zvicherwa.
Mutongi wedare ati vasungwa ava vatatu vakatarisana nemhosva yakakura kwazvo zvekuti havakodzere kubuditswa muhusungwa.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vashora kupiswa kwaitwa musha waVaNyachuru vachiti zvave pachena kuti sarudzo dzegore rinouya dzichange dzizere mhirizhonga.
Mushandi mukuru wepabhawa iri uye ari hama yaVaMudzuri, VaVengesai Mudzuri, vati vanofungidzira kuti kupiswa kwaitwa bhawa iri kunze koda kuedza kunogona kunge kwaitwa nevanhu vezvematongerwo enyika.
Vechidiki veMDCT varatidzira muHarare nhasi vachiti havasi kufara nemashandiro arikuita komisheni inowona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.
VaTsvangirai pamwe nemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanyorerana chibvumirano chekushanda pamwe chete pamberi pevatori venhau pamusangano waitirwa pamba paVaTsvangirai muHarare.
Veruzhinji vanoti havasi kufara nekupa African Union mari inoita miriyoni yemadhora kwakaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMuvhuro panguva iyo mari iri kunetsa munyika.
Vachitaura nevatori venhau muHarare neMuvhuro, sachigaro wesangano iri, VaChristopher Mutsvangwa, vati VaMoyo vanofanira kudzingwa basa vachiti kushoropodza kwavari kuita chirogwa cheCommand Agriculture kunoburitsa pachena kuti munhu asingade kuti Zimbabwe ibudirire.
Vashandi vaVaSmart vave kugara musango pamwe nemumakomo ari pedyo nepapaurazi reLesbury Estates apo pavakadzingwawo zvechisimba nemapurisa.
Nhengo mbiri dzinorwira kodzero dzevanhu munyika, VaPatson Dzamara naVaMakomborero Haruzivishe, vatongerwa kugara mujeri kwegore rose zvichitevera kubatwa nemhosva kwavaita.
VaMoyo vakatiza muhurumende yaVaMugabe muna 2001 vakazonyora tsamba yekusiya basa vava muSouth Africa.
Mumwe ataura pamusangano uyu uye vachishanda nesangano rePrayer Network of Zimbabwe, Mufundisi Peter Makuwe, vakurudzira veruzhinji kuti vasarudze vatungamiri vakatwasuka vasina zvipomerwa uye vasingaite zvemhirizhonga pamwe nehuori nezvimwe zvakadaro.
Mufundisi Evan Mawarire vechechi yeHis Generation vasungwa paUniversity of Zimbabwe mushure mekunge vabatana mukuratidzira kwanga kuchiitwa nevadzidzi vepachikoro chepamusorosro vari kuita zvidzidzo zvehudhokotera.
Munyori musangano revakarwa muhondo yerusununguko, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, vati kunyange hazvo Chinx asina kupihwa ruremekedzo rwakafanira, mapfupa aChinx achamuka.
Mapurisa nevechidiki veZanu PF ava vanonzi vakamanikidza vashandi vemupurazi raVaSmart pamwe nevavakidzani kuti vavabikire sadza nenyama yembudzi yavakaurayiswa nemapurisa nevechidiki veZanu PF ava vamwe vavo vachikanda mbatya dzaVaSmart nemhuri yavo panze.
Vashandi vepapurazi reLesbury kwaRusape vari kuchengetedza mbatya dzamuzvinapurazi, VaRobert Smart, avo vadzingwa zvechisimba. Vashandi ava varatidza dzimwe dzembatya dzasiyiwa dzakandwa parutivi pemugwagwa kuna Thomas Chiripasi weStudio7.
Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe nemusi weChipiri vakaenda kuMabelreign muHarare kunonyaradzana nemhuri yemuimbi anga aine mukurumbira Dickson Chingaira akashaya svondo rapera.
Mumwe anoteerera nziyo dzaChinx, Muzvare Mavis Kambunda, vati havaone chiri kunetsa kuti hurumende itore nguva ichizeya kuti yopa mufi ruremekedzo rwegamba renyika here kana kuti kwete kana pakatariswa nhoroondo yake.
Gweta riri kumirira VaTandi, Va Leonard Chidgadza, vaudza dare kuti VaManhanga vari kuda kutora purazi reLisbury kuti vavake chechi pamusoro pemarinda ari mupurazi iri.
Rodhai zvimwe