Accessibility links

Breaking News

RBZ Yoronga Kuunza Imwe $300m yeMabhondi Munyika


Zimbabwean central bank governor John Mangudya delivers his 2016 Monetary Policy statement in Harare, Feb. 4, 2016.
Zimbabwean central bank governor John Mangudya delivers his 2016 Monetary Policy statement in Harare, Feb. 4, 2016.

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rinoti mari iri kushayikwa munyika nepamusana pekuti mari haisi kuendeswa kumabhanga uye mari iri kubuditswa munyika nenzira dzisiridzo.

Banga iri ratiwo rine hurongwa hwekuunza imwe mari yema bond notes inosvika mazana matatu emamiriyoni emadhora pamusoro pemamiriyoni mazana maviri emadhora yakaiswa muna Ndira gore rapera.

Vachiparura hurongwa hwekushandiswa kwemari munyika muHarare, kana kuti monetary policy statement, gavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya, vati bhanga ravo richasimbaradza nyaya yekuti nyika iwane mari yekunze yakawanda kuburikidza nekutengesa zvicherwa zvakaita segoridhe ne platinum.

VaMangudya vati dambudziko rekushaikwa kwemari mumabhanga riri kukonzerwa nevemabhizimusi vavanoti havasi kuisa mari kumabhanga zviri kukonzera kuti veruzhinji vaswere vari mumitsetse yemumabhanga vachitsvaga mari.

Asi mumwe muzvinabhizumusi ane chitoro chinotengesa zvekudya chiri pakati pedhorobha, VaHerbert Saurombe, vati vemabhizimusi vazhinji vari kuzotadza kuwana mari kumabhanga kana vachinge vaiendesako zvave kupa kuti vachitenge mari yavo pasi pepiro.

VaMangudya vazivisisawo kuti kutanga kwemwedzi unouya vachaparura homwe yavari kudaidza kuti Savings Bond ichange ichiita kuti munhu anenge aisa mari yake awane interest yezvikamu zvinomwe kubva muzana kana kuti seven percent.

Sedanho rekuedza kuti mari yekunze ipinde munyika, VaMangudya vatiwo RBZ yatora danho rekuwedzera mari yembasera yanga ichipihwa vanhu vanenge vatumirwa mari kubva kunze ichipinda nemumabhanga kubva pazvikamu zvitatu kusvika pazvikamu gumi kubva muzana.

VaMangudya varatidzawo kushushikana zvikuru nekuburitswa kwema bond notes kunze kwenyika vachiti veruzhinji vari kusara vasina mari yekushandisa sezvo vachiti pane vanhu vari kuburitsa mari munyika zvisiri pamutemo.

VaMangudya vati mari zhinji haisi mumabhanga asi kuti iri kumusika mutema pamwe nevainoita mabasa emawoko avo vavanoti havasi kuendesawo mari kumabhanga.

Vati vachatsvaga nzira dzekuti vanoita mabasa emawoko vakwanisewo kuendesa mari kumabhanga.

Zvichakadai, VaMangudya vati vari kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvishanu kubva muzana gore rinouya uye vati vachasimbaradza nyaya yekuti Zimbabwe ibhadhare zvikwereti zvayo kunze kwenyika kuitira kuti ikwanise kupihwa zvikwereti nemasangano anokweretesa mari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG