Accessibility links

Breaking News

Pastor Mawarire Vanosungwa paUZ Vamwe Vadzidzi Vachiratidzira


Pastor Evan Mawarire
Pastor Evan Mawarire

Mufundisi Evan Mawarire vechechi yeHis Generation vasungwa paUniversity of Zimbabwe mushure mekunge vabatana mukuratidzira kwanga kuchiitwa nevadzidzi vepachikoro chepamusorosro vari kuita zvidzidzo zvehudhokotera.

VaMawarire vakachengetwa pakamba yemapurisa ye Avondale mushure mekusungwa kwavaitwa.

Pataenda pamhepo tanga tisati takwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, kuti tinzwe kuti VaMawarire vari kupomerwa mhosva ipi sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Asi vachitaura pavhidhiyo yaiswa pa You Tube, VaMawarire vanoti vaenda kuchikoro ichi ndokunamata pamwe nevadzidzi vanga vachiratidzira ava.

Vanotiwo kusungwa kwavaitwa vachinamatira vadzidzi vari kuomerwa nehupenyu ava hachisi chinhu chavari kuvhundutswa nacho.

Vakurudzira veruzhinji kuti varambe vachinamata nekuti zviri kuitika izvi hazvisi zvakananga ivo VaMawarire chete, asi kuti zvinhu zvinobata munhu wese wemuZimbabwe.

Mumwe wevadzidzi vanga vachirataidzira ava, VaIgnatius Mukwichi, vanove mubati wehomwe mukomiti inomirira vadzidzi payunivhesiti iyi kana kuti Students Representative Council, vati vadzidzi vezvidzdzo zvehutano paUniversity of Zimbabwe havasi kufara nekukwidzwa kwaitwa mari dzechikoro.

Zvinonzi vadzidzi ava vakwidzirwa mari dzavanobhadhara nezvikamu zvinosvika makumi matatu nezvishanu kubva muzana.

VaMukwichi vati vamwe vadzidzi varohwa nevanochengetedza payunivhesiti iyi zvichitevera kuratidzira uku.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe mudzidzi pachikoro apa uyo aramba kudomwa zita rake achitya kuti anozoshungurudzwa nevakuru vepa yunvhesiti iyi zvichitevera kuratidzira uku.

Mumwe wevanga vachiratidzira uyo aramba kudomwa zita rake zvakare ati vakuru vechikoro vati vadzidzi vezvidzidzo zvehutano vanga vachiratidzira vanzi nevakuru vepaUZ vachibuda mudzimba dzavanogara pachikoro apa zvichitevera kuratidzira kwavaita nhasi.

Vadzidzi ava vanoti kusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika kuri kukonzera kuti vabereki vavo vatadze kuvabhadharira mari dzechikoro uye vanoti kukwidzwa kwaitwa mari dzechikoro uku kunogona kuita kuti ruzhinji rwavo rwutadze kuenda kuchikoro.

Mukuru wepaUZ, VaLevy Nyagura, vati titumire mibvunzo yakanyorwa asi pataenda pamhepo vanga vasati vapindura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG