Accessibility links

Nhengo Nhatu dzeMDC Dzinonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso

  • Thomas Chiripasi

Dare repamusoro raramba neChitatu kutambira chikumbiro chenhengo nhatu dzeMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai chekuti dzitongwe dzichibva kudzimba zvichitevera mhosva yadziri kupomerwa yekuponda mupurisa mukuratidzira kwakaitika muHarare masvondo mashoma adarika.

Mutongi wedare repamusoro, Muzvare Priscilla Chigumba, vanyima nhengo nhatu dzeMDC mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yadziri kupomerwa yekuponda mupurisa.

VaDarlington Madzonga, VaBarnabas Mwanaka naVa Edmore Musvubhi vari kupomerwa mhosva yekunzi vakaponda mupurisa, VaTalkmore Phiri, pakuratidzira kwakaitwa nevechidiki veMDC-T muHarare masvondo mashoma adarika.

Vatatu ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti havana chavanoziva nezvenyaya iyi.

Mapepa ari pamberi pedare ekuramba mhosva anoti vasungwa ava vaive vasipo pakaitika chiitiko ichi uye mupurisa uyu anonzi akadonha mumotokari yemapurisa mushure mekunge mutyairi wemotokari iyi asimudza motokari pairatidzirwa apa mushakabvu asati anyatsogara zvakanaka zvakapa kuti adonhe.

Mutongi wedare ati vasungwa ava vatatu vakatarisana nemhosva yakakura kwazvo zvekuti havakodzere kubuditswa muhusungwa.

Izvi zvatsinhirwa negweta revasungwa ava, VaTonderai Bhatasara, avo vanoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Vasungwa ava havasi nhengo dzeMDC dzekutanga kupomerwa mhosva yekuponda mupurisa.

Pane dzimwe nhengo nhatu dzakatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri mushure mekubatwa nemhosva yekuponda mumwe mupurisa, VaPetros Mutedza, mumusha weGlen View muno muHarare muna 2011.

Mune imwewo nyaya, MDC-T yashora kupasiswa kwakaitwa bhiri rinowona nezvekugadzwa kwemukuru-mukuru wevatongi munyika kanove kekutanga kuvandudza bumbiro idzva remitemo yenyika iro rakavhoterwa neveruzhinji muna 2013.

Kupasiswa kwakaitwa bhiri iri, iro rakaunzwa kudare nemutevedzeri wemutungamiri wenyika uye vari gurukota rinowona nezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, kunoreva kuti mutungamiri wenyika ave kukwanisa kudoma mukuru-mukuru wevatongi munyika kwete zvanga zvichiitwa zvekuti chief justice anopinzwa basa nevanhu vari pasi pake pamasimba epabasa.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vati zvakaitwa izvi zvinoratidza kuti bato reZanu PF harikoshese zvido zveveruzhinji avo vakavhotera bumbiro idzva remitemo yenyika.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti Zanu PF inogona kuchinja chero upi mutemo uri mubumbiro remitemo painodira sezvo ine nhengo dzeparamende dzakawanda kukunda mapato ese anopikisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG