Accessibility links

Breaking News

Muimbi Dickson "Chinx" Chingaira Anoradzikwa kuMarinda ekuGlen Forest


chinx
chinx

Muimbi aive nemukurumbira, Dickson “Chinx” Chingaira, uyo akashaya neChishanu svondo rapfuura, aradzikwa kumahombekombe kweHarare vakarwa muhondo yerusunguko vachigun’una nekusapihwa ruremekedzo rwegamba renyika kwakaitwa mushakabvu.

Chinx aradzikwa kumarinda eGlen Forest uko kwanga kuine vanhu vakawanda vauya kuzowonekana nemufi vachiimba dzimbo dzezvematongerwo enyika.

Vachitaura pamarinda apa, gurukota rinoona nezvionoitika mudunhu reHarare, Amai Miriam Chikukwa, avo vataura vakamirira mutungamiri wenyika, vati Chinx akashanda zvakakomba kukurudzira vanhu vatema, kubudikidza nekuimba nziyo dzeChimurenga, kuenda musango kuti vanorwa vachirwisana nehurumende yevachena yavanoti yaidzvanyirira vanhu vatema.

Ataura akamirira mhuri yemufi ari mwana wemushakabvu, VaDeeds Chingaira, vati semhuri varasikirwa zvikuru uye vatenda ruzhinji rweZimbabwe nekuremekedza Chinx.

Munyori musangano revakarwa muhondo yerusununguko, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, vati kunyange hazvo Chinx asina kupihwa ruremekedzo rwakafanira, mapfupa aChinx achamuka.

VaMatemadanda, avo vatsanangura mushakabvu segamba guru kudarika mamwe magamba akavigwa pamarinda anovigwa magamba enyika paHeroes Acre, vati mitemo inoda kuvandudzwa kuitira kuti vanosarudza vanhu kuti vave magamba enyika vave vanhu vanenge vachiziva zvinotarisirwa.

VaMatemadanda vati kunyimwa kwakaitwa ruremekedzo rwekuva gamba renyika kunoratidza kupatsanuka kwakaita hutungamiri hwenyika neveruzhinji.

Pakuvigwa kwaChinx panga paine makurukota ehurumende akati kuti pamwe nevaimbi vakawanda vanga vachisanganisira Oliver Mtukudzi.

Chinx uyo aizivikanwa nekuimba nziyo dzeChimurenga uye achitsigira bato reZanu PF anga aita svondo asina kuvigwa vari muZanu PF vachikweshana nenyaya yokuti oitwa gamba renyika here kana kuti kwete.

Chinx, uyo akashaya neChishanu svondo rapfuura mushure mekurwara nechirwere chegomarara, asiya madzimai maviri nevana gumi nevana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG