Accessibility links

Breaking News

Dandaro Bar raVaMudzuri Rinopiswa Kusara Ava Matsindo


Arson
Arson

Mhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika inonzi yatanga pamberi pesarudzo dzegore rinouya zvichitevera kupiswa kwebhawa remumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe nekupwanywa kwaitwa imba yakanzura webato iri muKuwadzana madeko apfuura.

Zvinonzi pane vanhu vanga vachifamba nemotokari dzisina manhamba vasvika vakapwanya mudhuri wepabhawa raEngineer Mudzuri vanove mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T, vakatora mari nezvimwe zvinwiwa zvanga zviri mubhawa iri, ndokubva vasiya varipisa.

Mumwe mushandi wepabhawa iri iro riri muna Coventry Road muHarare, VaTichaona Murevanhema, vati vazosara vosvika pabasa bhawa iri ave mazimbe chete.

Mushandi mukuru wepabhawa iri uye ari hama yaVaMudzuri, VaVengesai Mudzuri, vati vanofungidzira kuti kupiswa kwaitwa bhawa iri kunze koda kuedza kunogona kunge kwaitwa nevanhu vezvematongerwo enyika sezvo VaMudzuri, avo vaimbova gurukota rinoona nezvemhando dzemoto muhurumende yemubatanidzwa, vari mune zvematongerwo enyika.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaMudzuri sezvo nharembozha yavo yanga isiri kubatika.

Zvichakadai, imba yakanzura weMDC-T anomirira Ward 38 kuKuwadzana, VaWilton Njanjasi, inonzi yapwanywa mahwindo pamwe nemudhuri husiku nevanhu vanonzi vanga vachifamba nemotokari mbiri dzisina manhamba.

VaNjanjasi vaudza Studio 7 kuti zvaitika izvi zvasiya mhuri yavo yakabatira hana mumawoko.

VaNjanjasi vaenderera mberi vachiti vanhu vapwanya pamba pavo ava vasiya vazvambaradza mumwe mushandi anoshanda husiku achichengeta motokari panzvimbo inochengeteswa motokari husiku nevagari vemunzvimbo yavo vachitiwo vanhu ava vanga vaine pfuti.

VaNjanjasi vati semaonero avo hadzisi mbavha asi vanogona kuve vanhu vanoita zvematongerwo enyika sezvo vasina chavatora pazvinhu zviri pamba pavo.

Zvichakadai, mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vati zviri pachena kuti kupiswa kwebhawa raVaMudzuri pamwe nekupwanywa kwemba yaVaNjanjasi kwaitwa nevanhu vebato reZanu PF.

VaGutu vakurudzira mapato ose kuti atsvage runyararo asingashandise mhirizhonga pamberi pesarudzo dzegore rinouya vachitiwo zvasarira mapurisa kuti aferefete nyaya mbiri idzi asina divi raakarerekera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi kunyange hazvo mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vachiti mapurisa ari mubishi kuferefeta nyaya iyi. Matikitivha anga ari pabhawa rapiswa iri pasvika Studio 7 panzvimbo iyi.

Zvaitika izvi zvinouyawo mushure mekupiswa kwakaitwa motokari yeboka revechidiki kuKuwadzana nevanhu vari kufungidzirwa neMDC kuti ndeve Zanu PF.

Gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaIgnatius Chombo, vakati kupiswa kwemotokari yeMDC chinhu chakaitwa nevanhu veMDC.

Nekune rumwe rutivi, VaJim Kunaka, avo vaimbotungamira chikwata chakarerekera kuZanu PF chinonzi Chipangano vakabuda padandemutande paFacebook vachiti bato ravo rinogona kushandisa mhirizhonga kunhengo dzeMDC pamberi pesarudzo kuti ridzoke mumasimba.

Sangano rinokurudzira nyaya dzerunyararo munyika reZimbabwe Peace Project raburitsa mashoko ekukurudzira mapurisa kuti aite basa rawo nechimbichimbi nyaya dzemhirizhonga dzisati dzatekeshera nenyika yose pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG