Accessibility links

Breaking News

Vanamati Vokurudzirana Kunyoresa Kuitira Kuti Vazovhotera Munhu Anokudza Mwari


Some of the people who attended the voter registration meeting in Harare.
Some of the people who attended the voter registration meeting in Harare.

Vakuru vedzisvondo vaparura hurongwa hwekukurudzira vanhu vanonamata munyika yose kuti vanyorese sevavhoti musarudzo dzegore rinouya vachiti yakwana zvino nguva yekuti vedzisvondo vaedze kugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Vedzisvondo ava vaita musangano muHarare vakabuda nechisungo chekukurudzira vanamati vemachechi akasiyana-siyana ari munyika kuti vanyorese sevavhoti.

Mumwe wevanga vachitungamira hurongwa hwanhasi, Bishop Ancelimo Magaya vechechi yeZimbabwe Devine Destiny, vati sevatungamiri vedzisvondo vachashandisa mharidzo mudzisvondo dzavo pamwe nekutenderera nenyika yose vachikurudzira veruzhinji kuti vanyorese sevavhoti musarudzo dzichaitwa gore rinouya. VaMagaya vati mukuita izvi pasi pechirongwa chavari kudaidza kuti Christian Vote Campaign, vedzisvondo vachange vasina bato ravakarerekera kwariri.

Mumwe ataura pamusangano uyu uye vachishanda nesangano rePrayer Network of Zimbabwe, Mufundisi Peter Makuwe, vakurudzira veruzhinji kuti vasarudze vatungamiri vakatwasuka vasina zvipomerwa uye vasingaite zvemhirizhonga pamwe nehuori nezvimwe zvakadaro.

Mashoko aVaMakuwe aya anouyawo apo huori huchinzi hwatekeshera mumapazi mazhinji ehurumende pamwe nemumakanzuru akawanda munyika.

Munyori musangano reZimbabwe Council of Churches, Mufundisi Kenneth Mutata, vaudza Studio 7 kuti vakaita musangano mazuva mashoma adarika nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vachikurudzira vemapato ezvematongerwo enyika kutivatsvage rutsigiro murunyararo pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

VaMutata vatiwo yakwana zvino nguva yekuti vedzisvondo vatore nzvimbo yavo kubudikidza nekuyedza kugadzirisa matambudziko akatarisana neveruzhinji pane kuti vapete mawokovachiramwira munda kumakudo.

Vedzisvondo vakambopindirawo munyaya dzezvematongerwo pavakatumira nhume kumusangano weLancaster House conference kuBritain nyika isati yawana kuzvitonga kuzere asi vanga vasisapindire munyaya dzezvematongerwo enyika kusvika pari zvino.

Zvichakadai, mutungamiri wesangano rinowona nezverunyararo munyika reZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti danho ratorwa nevedzisvondo iri idanho rakanaka zvikuru sezvo vachiti nyaya yekusaita mhirizhonga pamwe nekukurudzira runyararo munyika iri nyaya ichakwanisa kusvika kuvanhu vakawanda munyika nepamusana pekuti zvikamu makumi masere nezvishanu kubva muzana zveveruzhinji munyika vanhu vanoenda kudzisvondo.

Muzvare Mukoko vati danho ratorwa nevedzisvondo iri rauyawo nguva yakanaka apo vemapato ezvematongerwo enyika vave kugadzirira kuenda kusarudzo gore rinouya uye nyaya dzemhirizhonga dzave kutanga kuitika mune dzimwe nzvimbo munyika.

Sarudzo zhinji dzakaitwa makore apfuura isarudzo dzaive nemhirizhonga zvikurusei dzemuna 2008 pakaramba VaTsvangirai kupinda musarudzo dzechipiri kana kuti presidential run-off mushure mekunge vamwe vevatsigiri vavo varohwa zvakapisisa vamwe vakapondwa nevaifungidzirwa kuti inhengo dzebato raVaRobert Mugabe reZanu PF.

Izvi zvatsinhirwawo nemutevedzeri wasachigaro veMDC-T, VaMorgan Komichi, avo vanga varipowo pamusangano uyu.

Vamwe vanga vari pamusangano uyu mutungamiri webato reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume.

Musangano uyu wapindwa nevakuru-vakuru vemasangano akasiyana asiyana anomirira svondo dzakasiyana-siyana munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG