Accessibility links

VaMoyo Vokwikwidzana naVaMugabe mu2018 Vachiti Kwete kuMubatanidzwa weMapato

  • Thomas Chiripasi

Nkosana Moyo

Vakatiza muhurumende yeZanu PF muna 2001 segurukota raiona nezvemaindaisitiri, VaNkosana Moyo, vanoti vari kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya asi havasi kuzopinda mumubatanidzwa wemapato anopikisa pachaitwa sarudzo idzi.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare neChina, VaMoyo, avo vari, kutungamira chikwata chevari mune zvematongerwo enyika chiri kuzvidaidza kuti Alliance for the People’s Agenda, kana kuti APA, vati havawirirane nenyaya yekuti mapato anopikisa aumbe mubatanidzwa pamberi pesarudzo.

Chikwata cheAPA chinonzi chine vanhu vakabva mumapato akasiyana-siyana vari kuda kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Asi vanhu ava havasati vaburitswa pachena.

VaMoyo vatiwo kana vakasarudzwa semutungamiri wenyika gore rinouya, vachaita zvose zvinodiwa kuti hupfumi hwenyika hubve mumadhaka mahuri vachiti chakakosha kuve nehutungamiri hunoziva zvahuri kuita.

VaMoyo vakurudzira zvizvarwa zvese zveZimbabwe kuti zvishande navo kuti vaunze shanduko munyika.

Mashoko aVaMoyo aya anouya panguva iyo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakadzingwa basa semutevedzeri wemutungamiri wenyika muhurumende yaVaRobert Mugabe, Amai Joice Mujuru veNational People’s Party nevamwe vatungamiri vemamwe mapato anopikisa vari pakati penhaurirano dzekuedza kuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa kuti vawedzere mukana wekukunda bato reZanu PF musarudzo idzi.

Mumwe wevanga vaina VaMoyo pamusangano uyu ndiVaMoses Mzila Ndlovu avo vaimbova gurukota rinowona rinoona nezvekupodzwa kwemaronda muhurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, vati kunyange hazvo pasina zvingakwaniswa kuitwa kuti VaMoyo vashandure mafungiro avo panyaya yemubatanidzwa, danho ravatora iri idanho rinodzosera kumashure nyaya dzekuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

VaMoyo vakatiza muhurumende yaVaMugabe muna 2001 vakazonyora tsamba yekusiya basa vava muSouth Africa.

Vakawanda vakashora kuita kwaVaMoyo uyu vachiti maitiro akadaro anoratidza hugwara.

VaMoyo munhu ane mukurumbira zvakanyanya kunze kwenyika zvichitevera mabasa avakashanda mumasangano akaita seInternational Monetary Fund nemamwe masangano.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG