Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoronga Mushandira Pamwe neTransform Zimbabwe


Tsvangirai kuGweru
Tsvangirai kuGweru

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yanyorerana chibvumirano chekushanda pamwe nebato neTransform Zimbabwe munzira yekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

VaTsvangirai pamwe nemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanyorerana chibvumirano chekushanda pamwe chete pamberi pevatori venhau pamusangano waitirwa pamba paVaTsvangirai muHarare.

Vachitaura mushure mekusainirana chibvumirano ichi, VaTsvangirai vati nhaurirano nemamwe mapato anopikisa dzekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa pamberi pesarudzo dzegore rinouya dzinofanira kupera mukupera kwemwedzi uno kuitira kuti mapato anopikisa akwanise kushandisa nguva shoma yasara sarudzo dzisati dzaitwa mukutsvaga rutsigiro.

Zvataurwa naVaTsvangirai zvatsigirwawo naVaNgarivhume avo vaudza vatori venhau kuti mapato anopikisa anofanira kushanda zvakasimba kuti akwanise kubvisahurumende yeZanu PF mumasimba.

VaNgarivhume vatiwo mapato anopikisa anofanira kubatana zvichienderana nekuti ari kuunzei patafura kwete kuti vanhu vanongomuka vawumba mapato avo nechinangwa chekuda kungopinda mumumbatanidzwa wemapato anopikisa uyu.

VaTsvangirai vati havasati vataura naVaNkosana Moyo avo vanoti vachada kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakazvimirira uye vachitsigirwa neboka riri kuzvidaidza kuti Alliance for the People’s Agenda kana kuti APA.

VaMoyo vakaudza vatori venhau svondo rapera kuti havasi kuzopinda mumubatanidzwa nemamwe mapato anopikisa vachiti mubatanidzwa uyu ndewevanhu vari kutsvagirana mabasa chete usina zvaunoreva.

VaTsvangirai vakanyoreranawo zvibvumirano zvekushandira pamwe nemamwe mapato akaita seMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Zanu Ndonga, pamwe nebato reNational People’s Party riri kufanotungamirirwa nevakadzingwa muhurumende semutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaPhilani Zamchiya, vanoti mapato anopikisa ane mukana wakakura wekunda VaRobert Mugabe nebato ravo musarudzo kana akashanda ose pamwe chete.

Asi VaZamachiya vati mamiriro akaita zvinhu panyaya dzenhaurirano dzekuwumba mubatanidzwa wemapato anopikisa ari kuratidza kuti pachave nemibatanidzwa yemapato anopikisa miviri umwe uchange uchitungamirwa naVaTsvangirai, umwe uchitungamirwa naAmai Mujuru.

Mashoko aVa Zamchiya anouyawo apo Amai Mujuru vakanyorerana chibvumirano chekushanda pamwe nemapato ari mumubatanidzwa weCoalition of Democrats, kana kuti Code, une mapato anosanganisira ProgressiveDemocratic Party yaVaTendai Biti neRenewal Democrats of Zimbabwe yaVaElton Mangoma.

Asi VaTsvangirai vati vachiri kushanda pamwe naAmai Mujuru nebato ravo reNPP vachiti vane chivimbo chekuti VaMugabe neZanu PF vachakundwa musarudzo dzegore rinouya. Vakurudzirawo kuti veruzhinji vanyorese kuvhota nehuwandu hwavo vachiti rwendo rwuno vachasunga dzisimbe kuti vasape Zanu PF mukana wekubirira musarudzo.

VaTsvangirai vatorawo mukana wanhasi kuudza veruzhinji kuti komiti yepamusoro yebato ravo yeNatinal Executive yakabudawo nechisungo chekuratidzira munyika yose munguva pfupi iri kutevera vachiti mafambisirwo esarudzo munyika anofanira kuvandudzwa.

VaTsvangirai vanoti bato ravo rakabirirwa neZanu PF zvemhando yepamusoro-soro musarudzo dzapfuura asi Zanu PF inoti sarudzo idzi dzaive dzakachena semukaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG