Accessibility links

Breaking News

Dzimba dzeNhengo yeMDC Dzinopiswa kuMazowe


Obert Gutu
Obert Gutu

Dzimba dzenhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai munharaunda yeMazowe mudunhu reMashonaland Central, dzinonzi dzapiswa usiku weMuvhuro nevari kufungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.

Nhengo yeMDC inogara mubhuku rekwaNyachuru kuMazowe, VaTendai Nyachuru, vanoti musha wavo wapiswa nevavari kufungidzira kuti inhengo dzeZanu PF.

VaNyachuru vaudza Studio 7 parunhare vari kuMazowe kuti midziyo yavo yose pamwe nembatya zvatsakatikira mumarimi emoto zvichitevera kupiswa kwaitwa dzimba dzavo dzehuswa nhatu.

Vaenderera mberi vachiti kana chokudya havasisina sezvo ivo nemhuri yavo vangosara vaine nhumbi dzanga dziri pamuviri yavo.

Vanoti kupiswa kwaitwa uku kwaitika mambakwedza varere vakazokwanisa kubuda mumarimi emoto aya.

Zvichakadai, VaNyachuru vanoti vari kukumbira bato ravo reMDC-T pamwe neveruzhinji kuti vavabatsire kuti vakwanise kurarama uye kunotora matsamba ekuzvarwa nezvitupa zvinonzi zvatsvirawo mudzimba dzapiswa idzi.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vashora kupiswa kwaitwa musha waVaNyachuru vachiti zvave pachena kuti sarudzo dzegore rinouya dzichange dzizere mhirizhonga.

Zvaitika izvi zvinouyawo apo mutungamiri webato reZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakakarudzira kuti nhengo dzebato ravo dzitange kuzvindikita wese anenge aita mhirizhonga muzita rebato ravo vasati vamuendesa kumapurisa.

Asi VaGutu vati zviri pachena kuti VaMugabe ndivo vari kukurudzira mhirizhonga munyika.

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, avo vari kufanotungamira bato reNational People’s Party, Amai Joice Mujuru, vashora chiitiko ichi vachiti vose vari kuita zvemhirizhonga vanofanira kuziva kuti mweya wengozi unobata aipara kwete anenge atuma.

Zvichakadai, VaGutu vakumbira masangano akaita seSADC, African Union pamwe neUnited Nations kuti atore matanho nepamusana pemhirizhonga inonzi iri kuitika munyika pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.

Kupiswa kwemusha waVaNyachuru kunouyawo apo bhawa raVaElias Mudziri, vanove mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, rakapiswa svondo rapera uye mumwe kanzura webato iri akapwanyirwawo mudhuri wemba yake pamwe nemahwindo mumusha weKuwadzana muno muHarare svondo rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG