Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoramba Yakanyarara Pakuti Chix Chingaira Oitwa Gamba Here Kana Kuti Kwete


Chinx Chingaira
Chinx Chingaira

Veruzhinji vanoti Dickson Chingaira, uyo aizivikanwa nezita rekuti Comrade Chinx munyaya dzemimhanzi, anofanirwa kuvigwa kumakuva anovigwa magamba enyika zvichitevera kushaya kwaakaita neChishanu chapfuura.

Veruzhinji vaswera vachibata mawoko pamba pemufi mumusha weMabelreign muno muHarare vakamirira kunzwa kuti Chinx achapihwa ruremekedzo rwakadii nehurumende.

Mumwe wevanhu vauya kuzochema Chinx igurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, avo vati nyika yarasikirwa zvikuru nekushaya kwakaita Chinx.

Mashoko aVaChinamasa atsinhirwa nemumwe muimbi akamboita mukurumbira, Knowledge Kunenyati, uyo anoti anoita zvekuimba pamwe nebato reZanu PF, anoti arasikirwawo negamba.

Vamwe vaimbi vakaita saOliver Mtukudzi naSulumani Chimbetu ndevamwe vevakauyawo pakupera kwesvondo kuzochema nemhuri yekwaChingaira.

Imwe nhengo yechikwata cheDzimbabwe icho chaiimba na Chinx uye vari mumwe wevakashanda pamwe chete nemufi kubva vachiri kuhondo, Amai Beauty Kachidza, vati vakarwa muhondo yeChimurenga vakapihwa hushingi pamwe nekuvaraidzwa nenziyo dzaChinx.

VaChinamasa vati ruzhinji rweZimbabwe rwune zvakawanda zvekudzidza kubva munziyo dzakaimbwa naChinx munguva yehondo uye nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Mumwe anoteerera nziyo dzaChinx, Muzvare Mavis Kambunda, vati havaone chiri kunetsa kuti hurumende itore nguva ichizeya kuti yopa mufi ruremekedzo rwegamba renyika here kana kuti kwete kana pakatariswa nhoroondo yake.

Muzvare Kambunda vati pamarinda anovigwa magamba enyika pakazara vanhu vakawanda vasingakodzere kuvapo vasina chavakaita chinobatika, nokudaro vati hapana chekuti hurumende imboswerozeya pamusoro paChinx.

Vehukama vatataura navo vati havana zvavangakwanisa kutaura kudzamara vanzwa kuti hurumende ichatora danho ripi zvichitevera chikumbiro chakasvitswa nehutungamiri hwepurovhinzi yeHarare mubato Zanu PF pamwe nemuboka revaimbova varwi muhondo yerusununguko.

Asi pataenda pamhepo, gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaIgnatius Chombo, vanga vachiti havasati vatambira zvikumbiro izvi kuti vaone kuti votora danho ripi.

Chinx akashayika musi weChishanu muHarare mushure mekurwara kwenguva refu nechirwere chegomarara. Muimbi asiya madzimai maviri nevana gumi nevana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG