Accessibility links

VaPatson Dzamara Vanowanikwa Vaine Mhosva

  • Thomas Chiripasi

Doctor Patson Dzamara.

Nhengo mbiri dzinorwira kodzero dzevanhu munyika, VaPatson Dzamara naVaMakomborero Haruzivishe, vatongerwa kugara mujeri kwegore rose zvichitevera kubatwa nemhosva kwavaita.

Vaviri ava vanga vachipomerwa mhosva yekunzi vakatora ngowani yemapurisa anorwisana nemvongamupopoto (helmet) pamwe nemboma yemapurisa yaanoshandisa mukurova vanhu vanenge vachiita zvemhirizhonga.

Mutongi wedare, Amai Joesphine Sande, vati mwedzi mipfumbamwe yasendeketwa parutivi ndokunge vaviri ava vasina kuita mhosva yakadai kwemakore mashanu uye ndokunge vashanda munzvimbo dzavanyoresa kudare kwemaawa mazana matatu ane gumi neshanu kana community service.

Vaviri ava vanonzi vakapara mhosva iyi gore rapera vachinzi vakabatwa mushure mekunge vabira mamwe madzimai maviri paAfrica Unity Square ayo anonzi akaridza mhere zvakakonzera mapurisa anochengetedza paparamende amhanye kuzobatsira madzimai aya.

Zvinonzi vaviri ava vakaramba kusungwa vakabvutira mapurisa aya helmet ne baton stick zvakazoita kuti vazotsvagwa vakabatwa.

Asi vaviri ava vairamba mhosva yavaipomerwa iyi vachiti vaishungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

VaDzamara munin'ina wemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa mumusha weGlen View Kurume 2015, VaItai Dzamara.

Hapana anoziva kuti VaItai Dzamara varipi kubva muso wavapambwa uyu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG