Accessibility links

Breaking News

VaSmart Voshushikana neKudzingwa kweVashandi Vavo kwaRusape


Rusape Farmer
Rusape Farmer

Murimi wechichena akadzingwa papurazi rake kwaRusape nemapurisa achishanda pamwe chete nevechidiki veZanu PF, VaRobert Smart, vakati vanhu vakapakatira zvombo vave kugara papurazi ravo izvo zviri kuvatadzisa kubvisa zvimwe zvinhu zvavo zvakasara papurazi iri.

VaSmart, avo vane makore makumi manomwe nerimwe ekuberekwa, vakati vari kurwadziwa zvikuru nekubviswa nechisimba papurazi ravo panguva iyo vanga votarisira kutengesa chibage nefodya zvavakarima.

Vachiturikirwa nemwana wavo, Darryn Smart, ari parutivi pavo, uyo wavaibatsirana naye kurima papurazi reLesbury Estates, iro riri makiromita makumi maviri nematanhatu kubva mudhorobha reRusape, VaSmart vakati havasi kufara nekubatwa kwakaitwa vashandi vavo papurazi apa vachiti vashandi ava, avo vanodarika zana, vakabatwa zvisina kunaka.

Vashandi vaVaSmart vave kugara musango nemumakomo ari pedyo nepapaurazi reLesbury Estates apo pavakadzingwawo zvechisimba nemapurisa.

VaSmart vakatiwo vanhu vakapakatira pfuti vari kutungamirwa nemutevedzeri wasachigaro webato reZanu PF mudunhu reManicaland, VaJoseph Mujati, vari kuvatadzisa kudzokera papurazi apa kunotora dzimwe mbatya dzavo nezvirimwa zvakasara papurazi iri.

Vakatiwo kubva zvavakadzingwa papurazi iri svondo rapera, mahachi avo maviri pamwe nehuku dzinodarika zana hazvisi kuwana chikafu.

VaSmart vakati vakatambira mashoko ekuti vanhu vakapakatira zvombo vave papurazi apa vari kubvisa chibage chavakarima mumahekita anokwana makumi manomwe pasi pechirongwa cheCommand Agriculture vachitengesa.

Zvichakadai, VaSmart vakati zviri kuitwa izvi zvichavapa dambudziko rekubhadhara zvikwereti zvavakatora kumabhanga kana pasina matanho anotorwa kuitira kuti vakwanise kudzokera papurazi ravo.

Vakati vakaedza kutaura nemapurisa emaRusape kuti vagadzirise nyaya iyi asi hapana chakabuda.

Pari zvino, VaSmart vanoti vari kuedza kutaurirana nehurumende kuti vakwanise kudzokera papurazi ravo kuitira kuti vaenderere mberi nekurima.

Mapurisa akabvisa VaSmart zvechisimba papurazi iri svondo rapera achishanda pamwe nevechidiki veZanu PF vakasiya vakanda mimwe midziyo yemurimi uyu parutivi pemugwagwa chinhambwe chemamita anokwana mazana maviri kubva pamba pemurungu uyu.

Zvinonzi vaimbotungamirira chechi yeEvangelical Fellowship of Zimbabwe, VaTrevor Manhanga, ndivo vakapihwa tsamba nebazi rinowona nezveminda kuti vatore purazi iri.

Asi vagari vari pasi paMambo Tandi vakaenda kumatare vachiti havasi kuda kuti purazi iri ritorwe naVaManhanga avo vanonzi vari kuda kuvaka chechi papurazi apa vachiti havazokwanise kuita chivanhu chavo mumakomo ari mupurazi iri ravanoti rine nzvimbo dzinoyera uye ndimo makavigwa madzitateguru avo.

Gurukota rinoona nezveminda, VaDouglas Mombeshora, pamwe naVaManhanga vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi sezvo isati yapera kunzwikwa mudare repamusoro kuHarare.

Kudzingwa kwakaitwa VaSmart papurazi reLesbury Estates iri kunouyawo apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaudza vatsigiri vavo pamusangano wakaitwa kuMarondera pakutanga kwemwedzi uno kuti varungu vese vakasara mumapurazi pakaitwa chirongwa chekugoverwa kwevhu, vanofanirwa kubviswa mumapurazi aya opihwa vechidiki vebato ravo pamwe neveruzhinji vasina kuwana minda.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti chirongwa chekugovera minda kuvatema icho chinonzi chakaitwa zvine mhirizhonga mukati ndicho chakakonzera kuti hupfumi hwenyika huwire pasi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG