Accessibility links

Breaking News

Murimi Muchena Anotorerwa Purazi Rake neChisimba kwaRusape


Rusape Farmer
Rusape Farmer

Mapurisa akanga akapakatira zvombo pamwe nevechidiki veZanu PF vakadzinga nemusi weChina mumwe murungu papurazi rake riri kwaRusape zvechisimba vakasiya vakanda midziyo yake parutivi pemugwagwa.

VaRobert Smart, avo vanove muridzi wepurazi reLesbury, iro riri makiromita makumi maviri nematanhatu kubva mudhorobha reRusape, vasara vasisina chokubata kana pokurara mushure mekunge mapurisa pamwe nevechidiki veZanu PF ava vavabvisa papurazi pavo vakasiya vakiya magedhi ose.

Vamwe vashandi vepapurazi apa vakaudza Studio7 kuti mapurisa akaridza pfuti nekukanda hutsi hunokachidza mushure mekunge vashandi vepapurazi apa vabuda pachena kuti vakanga vasiri kuda kuti VaSmart vatorerwe purazi ravo.

Zvinonzi pane vanhu vakakuvara mushure mekurohwa nemapurisa.

Asi Studio7 haina kukwanisa kunzwa huwandu hwevanhu vakakuvara ava, kanawo kukwanisa kutaura naVaSmart.

Mapurisa nevechidiki veZanu PF vanonzi vakamanikidza vashandi vemupurazi raVaSmart pamwe nevavakidzani vavo kuti vavabikire sadza nenyama yembudzi iyo yavakaurayiswa nemapurisa nevechidiki veZanu PF ava, panguva iyo vamwe vavo vaikanda mbatya dzaVaSmart nemhuri yavo panze.

Mapurisa aya, ayo akanga achifamba nemarori mashanu, anonzi akabva maRusape, kwaMurambinda pamwe nekwaMutare kuti azobvisa VaSmart papurazi apa.

Zvinonzi vaimbova mutungamiri wechechi yeEvangelical Fellowship of Zimbabwe, Va Trevor Manhanga, ndivo vari kuda kutora purazi raVaSmart iri.

VaManhanga vakatoendeswa kumatare edzimhosva nevagari vari mudunhu raMambo Tandi avo vari kuti zvinotyora kodzero dzavo dzekuita chivanhu chavo kana VaManhanga vakaenderera mberi nekutora purazi iri.

VekwaTandi vanoti mumakomo eMachinya Hills ari mupurazi reLesbury, makavigwa madzitateguru avo ayo vanoitira chivanhu gore negore.

Vagari vekwaTandi ava vanoti VaManhanga havafanire kuve nechekuita nepurazi iri kudzamara nyaya dzakakwidzwa kumatare dzapera kunzwikwa.

Vatori venhau vakasvika papurazi apa vakambochengetedzwa nemapurisa emaRusape kwemaawa mashanu vakatorerwa nharembozha dzavo nemichina yebasa ravo vakazoregedzwa mushure mekunge vadzimirwa mifananidzo yose yavakanga vatora.

Nyaya yezviri kuitika papurazi reLesbury iyi yakatarisirwa kunzwikwa mudare repamusoro muHarare neChishanu.

Mapepa ari pamberi pedare anoratidza kuti VaManhanga vakapihwa matsamba ekuti vagare papurazi apa nebazi rinoona nezveminda asi vagari vekwaTandi vanoti VaManhanga, avo vanonzi vari kuda kuvaka chechi mupurazi umu, vangangokanganisa kodzero pamwe nechivanhu chevanhu vari munharaunda iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG