Vamwe vatengi vanoti havasi kufara nekutarirwa huwandu hwezvinhu zvekutenga nevezvitoro panguva iyo zvinhu zvakawanda zviri kunetsa kuwana muzvitoro.
Komisheni yakagadzwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti iongorore mhirizhonga yakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu gore rino nhasi yanzwa kuti mapurisa haana chaakaita kudzivirira mhirizhonga iyi.
Vachitura mashoko avo vafakazi vasati vatanga kutura humbo hwavo kukomisheni iyi, VaMotlanthe, avo vanove sachigaro wekomisheni iyi, vati chavari kutsvaga ichokwadi chezvakaitika kuti chibude pachena.
Dambudziko rekushayikwa kwemafuta nekudhura kuri kuita zvinhu muzvitoro rinonzi riri kuramba richiwedzera munyika panguva iyo hurumende ichiti zvinhu zvakawanda munyika zvinokwanira vazhinji.
Rimwe remagweta ari kumirira vasungwa uye vari vesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaLizwe Jamela, vati vasungwa ava vari kupomerwa mhosva yekuita zvinhu zvisina maturo.
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions roronga kuratidzira nemusi weChina asi mapurisa anoti kuratidzira uku hakufanirwe kuenderera mberi sezvo munyika muine chirwere chekorera. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Bazi rezvemari raparura hwaro huchatevedzwa nenyika kwemakore maviri ari kutevera senzira yekuvandudza hupfumi hwenyika.
Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vanoti hurongwa hwavari kudaidza kuti Transitional Stabilzation Programme hwakanangana nekusimudzira hupfumi hwenyika kubva parizvino kusvika muna zvita 2020 kubudikidza nekusimbaradza nyaya dzekurima kucherwa kwezvicherwa kusimbisa nyaya yekutengesera dzimwe nyika.
Mutauriri weZESA, VaFullard Gwasira, vati havakwanise kutaura kuti bhodhi ravo raiziva here kana kuti kwete nezvekusafambiswa zvakanaka kwemari kunonzi kwakaitwa nevasungwa ava.
Vaimbova gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva ina dzekushandisa masimba avo zvisirizvo vachiri muhurumende.
Kurwara kwaVaMoyo kwaita kuti vatadze kuenda kumusangano wepagore weUnited Nations General Assembly, UNGA, kuNew York, uko mutuygamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kutaura kekutanga neChitatu chinouya.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vashanyira musha weGlen View uko kwapararira chirwere chekorera panguya iyo hurumende ichiti iri kuda mari inodarika mamiriyoni makumi matanhatu emadhora achashandiswa mukurwisa nechirwere ichi.
Nhengo dzeMDC dzinobuda muparamende dzichiratidzira dzichiti hadziremekedzi VaMnangagwa semutungamiri wenyika dzichiti mutungamiri wadzo, VaNelson Chamisa, ndivo vakasarudzwa semutungamiri wenyika kunynage hazvo dare reConstitutional Court rakati VaMnangagwa ndivo vakasarudzwa zviri pamutemo.
Nhengo dzeparamende dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzabuda muparamende dzichiimba apo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vangotanga kutaura kuparamende pasi pechirongwa che Stateof the Nation Address.
Vanotengesera mumigwagwa yemuHarare vanoti havasi kuzobva munzvimbvo dzavanotengesera kudzamara hurumende yavapa mabasa kunyange hazvo hurumende ichiti iri kutyira kuti chirwere chekorera chinogona kuramba chichipararira kana vanhu ava vakaramba vari munzvimbo dzvari kutengesera idzi.
Vamwe vabereki vanonzi vave kurambidza vana vavo kuenda kuzvikoro muHarare zvichitevera kufa kuri kuita vanhu nechirwere chekorera muguta iri.
Vaimbova gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, avo vasungwa nhasi, vamiswa pamberi pedare ramejisitiriti vachipomerwa mhosva yekushandisa masimba avo zvisirizvo panguva yavaive gurukota rehurumende.
Gweta raDoctor David Parirenyatwa VaJames Makiya vachitaura nezve mhosva yevaimbove gurukota rezvehutano Doctor Parirenyatwa vambosungwa vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisiri pamwero hurumende ichiti vakaita huori pamabatiro avakaita nyaya yemushandi wekambani yeNatpharm.
Vaimbove gurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa, vambosungwa vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisiri pamwero hurumende ichiti vakaita huori pamabatiro avakaita nyaya yemushandi wekambani yehurumende yeNatpharm. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoshanyira musha unogara veruzhinji weGlenView muHarare, uko kune vanhu vakawanda vabatwa nechirwere chekorera.Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Rodhai zvimwe