Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzinobuda Panze Apo VaMnangagwa Vanga Vachitaura Muparamende


Le président et candidat du Zimbabwe Emmerson Mnangagwa a voté à l'école primaire de Sherwood à Kwekwe le 30 juillet 2018.
Le président et candidat du Zimbabwe Emmerson Mnangagwa a voté à l'école primaire de Sherwood à Kwekwe le 30 juillet 2018.

Nhengo dzeparamende dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzabuda muparamende dzichiimba apo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vangotanga kutaura kuparamende pasi pechirongwa che Stateof the Nation Address.

Nhengo idzi dzaimba kwechinguva dziri panze pedare reparamende.

Pasina maminitsi akati kuti, nhengo dzeZanu PF dzanga dziri muAfrica Unity Square dzichiteerera mashoko aVaMnangagwa, dzabva dzaendawo pedyo nepanga pane nhengo dzeparamende dzeMDC idzi ndokutangawo kuimba dziri parutivi ukuwo mapurisa pamwe nemasoja vachichengetedza runyararo.

Mutungamiri wenhengo dzeMDC muparamende uye vari sachigaro webato iri, Muzvare Thabitha Khumalo, vati kubuda kwavaita muparamende inzira yekuratidza VaMnangagwa kuti havana kukodzera kutungamira nyika vachiti vakabirira musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

VaMorgan Komichi, vanove nhengo yedare reseneti uye vari mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vatsinhira zvataurwa naMuzvare Khumalo.

VaKomichi vati sebato vave kugadzirira kupinda mumigwagwa vachiratidzira kusafara kwavo nekubirirwa kwavanoti kwakaitwa sarudzo.

Zvichakadai, imwe nhengo yeZanu PF, VaEdzai Chidarikire vaudza Studio 7 kuti zvaitwa nenhengo dzeMDC idzi zvinhu zvingavake nyika.

Imwe nhengo yeZanu PF zvakare, VaGodknows Chikwayikwayi, vati MDC inofanira kubvuma kuti yakakundwa musarudzo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vati chinodiwa ndechekuti pave nekutaurirana pakati paVaMnangagwa naVaChamisa kuti gakava rezvesarudzo ripere.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paGreat Zimbabwe University, VaTakavafira Zhou, vati hupfumi hwenyika hunogona kuramba huchienda kumawere kana pasina kushandirapamwe pakati peZanu PF neMDC.

Nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vati kuratidzira kwaitwa nenhengo dzeMDC kunosuwisa uye vati nhengo dzeMDC dzinofanira kuramba zvose zvine chekuita nehurumende kwete kutambira zvimwe, zvimwe dzichiramba.

VaChirumhanzu vati zviri kuitwa neMDC izvi ndicho chinonzi dambavanana.

MDC inoti haisi kutambira zvakabuda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru ichiti sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG