Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Mapurisa Haana Chaakaita Kudzivirira Mhirizhonga Pakapfurwa Vanhu neMauto muHarare


Komisheni yakagadzwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti iongorore mhirizhonga yakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu gore rino nhasi yanzwa kuti mapurisa haana chaakaita kudzivirira mhirizhonga iyi kunze kwemasoja anonzi akabatsira kuti vairatidzira ava, vanonzi inhengo dzeMDC Alliance, vatize paiitwa mhirizhonga iyi.

Kunzwikwa kwezvakaitika pamhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika yakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu muHarare yakakonzera kufa kwevanhu kwaenderera mberi nhasi vamwe vafakazi vachiti mapurisa aive amire zvawo nhengo dzeMDC Alliance dzichiratidzira pamwe nekupwanya zvinhu pamahofisi eZanu PF.

Mumwe wevafakazi ava, VaJohannes Mutanda, avo vanoshanda semutyairi pamuzinda weZanu PF, vaudza komisheni iyi kuti muzinda webato ravo waitemwatemwa nematombo nevaratidziri ava kwemaawa anokwana mana mapurisa akangoti tumbi kumira asina chaaiita kudzivirira mhirizhonga yaiitika iyi. VaMutanda vati varatidziri ava pamwe nemapurisa aya vakazotiza pavakaona masoja vanzwa pfuti dzichirira asi vati havazivi kuti masoja ndiwo akaridza pfuti idzi here kana kuti kwete.

Mumwewo mufakazi, Amai Stella Matsengarwodzi, avo vanoshanda pamahofisi eZanu PF mupurovhinzi yeHarare, vatiwo vakazonunurwa nemasoja mahofisi avo achipwanywa uye motokari dzichipiswa nevaratidziri pasina chakange chaitwa nemapurisa.

Amai Matsengarwodzi, avo vanga vachisvimha misodzi pavanga vachipa humbowo hwavo, vati pane zvaiputika panze pemahofisi avo zvaiita kunge mabhambu uye vati vakachekwachekwa muviri wese nekupwanyirwa magirazi avo emaziso pavaitemwa nematombo vari mumahofisi ebato ravo, vachitiwo vanhu vazhinji vaiva mumahofisi aya vakazohwanda pasi pematafura matombo achinaya semvura.

Vati dai pasina masoja akazosvika aya, vanhu vese vaiva mumahofisi aya vangadai vakapondwa nevaratidziri ava avo vavanoti zvakare vaive nemazipanga pavaikanda matombo pamahofisi avo.

Amai Matsengarwodzi vaenderera mberi vachiti vakaona mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaTendai Biti, vachitaura nevaratidziri ava pedyo nepane rimwe garaji riri muna Fourth Street ivo Amai Matsengarwodzi vari mumahofisi emudenga pamahofisi ebato ravo.

Vati kutaura kwaiita VaBiti nevairatidzira ava kwaiita sekunge vaikurudzira varatidziri ava kuti vaite zvemhirizhonga.

Hatina kukwanisa kutaura naVaBiti kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Asi mumwe mufakazi, Muzvare Precoius Maveng’a, avo vati vanorarama nekutengesa mabhaibheri muna Nelson Mandela, vati pane vanhu vaiimba vachifara panze pemuzinda weMDC asi vakazoita bararamhanya pakauya masoja.

Muzvare Maveng’a vati vakabatwa nemasoja vakazvindikitwa zvakaomarara nemasoja aya ayo vati aiva ane zvamboko nepfuti. Muzvare Maveng’a vati vakanzwa pfuti dzichirira pavairohwa pamwe nepavakanga vave kufamba vave kuenda kumba mushure mekunge varegedzwa nemasoja aya.

Vatiwo vakaona motokari chena yaiva nevanhu vakanga vachiridza pfuti vachingopfura chero munhu. Vanoti vave kutorohwa nebuka pose pavanoona masoja kana mapurisa akapfeka yunifomu yavo yebasa.

Dzimwe nhengo dzekomisheni iyi dzaudza Studio 7 kuti dzakatarisirawo kuti masoja azopa humbowo kukomisheni yavo.

Nhengo idzi dzatiwo kana masoja aya asingade kupa humbowo pajekerere anofanira kutanga akumbira mvumo kukomisheni yadzo achipa zvikonzero zvinonwisa mvura kuti sei asingade kutaura zvakaitika musi uyu pajekerere.

Zvichakadai, mumwe mufakazi zvakare, Amai Marian Chidamba, vanove munin’ina waAmai Sylvia Maphosa avo vakapfurwa vakafa pamhirizhonga iyi, vaudzawo komisheni iyi kuti magwaro ekufa kwemukoma wavo akachinjwa zvakanyorwa nadhokotera anoongorora vanhu vanenge vafa zvisina tsarukano izvo zvavati zvairatidza kuti chiremba uyu aiudzwa zvekuita nevekumahofisi epamusoro vavasina kudoma nemazita.

Amai Chidamba vaudza komisheni iyi kuti mukoma wavo akafa uyu aiva asineyi nekuratidzira kwakaitwa uku asi akangobatanidzirwa mumhirizhonga iyi.

Mumwe mufakazi, VaPeter Makani avo vati inhengo yeMDC izere, vati nhengo yeparamende inomirira Epworth uye vari nhengo yeMDC zvakare, VaEarthrage Kureva, ndeumwe wevaironga mhirizhonga yakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu vachiti VaKureva vakapa nhengo dzeMDC mari inoita madhora maviri pamunhu ega-ega yekuti vaende kunoratidzira mudhorobha nechinangwa chekupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Asi VaKureva vaudza Studio 7 kuti zvese izvi manyepo vachiti zvichabuda mugwaro rekomisheni iyi zvinhu zvavari kuziva nechekare kare kuti inzira yekutsvaga kusvibisa zita rebato ravo.

Kunzwikwa kwezvakaitaika pamhirizhonga yemusi wa1 Nyamavhuvhu iyi, uko kwakakonzerwa nekunonoka kunonzi nevakaratidzira musi uyu kwakaitwa nekomisheni inoona nezvesarudzo kuburitsa zvakange zvabuda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru, kwakatarisirwa kuenderera mberi mangwana vafakazi vachipa humbowo hwavo kukomisheni iyi.

Pamhirizhonga iyi panonzi pakafa vanhu vatanhatu vanofungidzirwa kuti vakapfurwa nemasoja. Asi masangano akazvimirira anoti huwandu hwevanhu vakafa musi uyu hunodarika gumi sezvo vamwe vakafira munzira vachiendeswa kuzvipatara.

VaMotlante vanoti vachapa gwaro rezvavachawana muongororo yavo kumutungamiri wenyika mushure memwedzi mitatu kubva musi wakagadzwa komisheni yavo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG