Hurumende inotara chirwere chekorera sedambudziko guru rabata nyika zvichitevera kufa kwevanhu vanodarika makumi maviri, uye vanhu vanodarika zviuru zvitatu vachinzi vakabatwa nechirwere ichi. Mumwe mugari wekuGlen View anotaura nezvirikuitika mudunhu iri. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
VaNcube naVaKomichi vari kubatana naVaElias Mudzuri kuva vatevedzeri vatatu vaVaChamisa.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti homwe yeZanu PF yakabooka zvekuti bato iri rinogona kupinda muhomwe yenyika kuti ribhadhare vanhu ava.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vagadzirira kupinda mumigwagwa vachiratidzira zvichitevera sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru dzavanoti dzakabirirwa.
Nyanzvi munyaya dzezvematongewrwo enyika dzinoti kucherechedzwa kwakaitwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa semunhu akasarudzwa zviri pachena kwaitwa nevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, hachisi chinhu chinonyanyoshamisa zvikuru.
Makanzura ekanzuru yeHarare makumi mana nevatanhatu atora mhiko pamberi pevakafanobata chigaro chamabharani weguta iri, VaHoseah Chisango.
Vakasarudzwa kuti vaive makanzura mukanzuru yeHarare vatoreswa mhiko nhasi VaHerbert Gomba vachisarudzwa kuva Meya weguta reHarare. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
VaChiwenga naVaMohadi vatora mhiko kuti vashande sevatevedzeri vaVaEmmerson Mnangagwa pamberi pemukuru-wevatongi vematare edzimhosva munyika, VaLuke Malaba, pachiitiko chaitirwa kuState House.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodoma VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi, sevatevedzeri vavo muhurumende. Vaviri ava vagadzwa eChina naChief Justice VaLuke Malaba kuState House.
Hutungamiri hweMDCT yavaNelson Chamisa nezuro hwakabvumirana kudzokera kuvatsigiri vebato iri kunovabvunza danho rekutora zvichitevera kubirirwa kunonzi nebato iri kwakaitwa sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.
Mutungamiri wehurumende yeBritain, Amai Theresa May, vanyenyeredza Zimbabwe mukushanya kwavari kuita kekutanga muAfrica kubva zvavakapinda mumasimba muna 2016
Vatsigiri vebato reZanu PF vachitamba vachifarira kugadzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika kuNational Sports Stadium nhasi. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Vatsigiri vebato reZanu PF vachifara nekutamba pakugadzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Vatsigiri vebato reZanu PF vachitamba nhasi kunhandare yeNational Sport Stadium vachifarira kugadzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
VaEmmerson Mnangagwa veZanu PF vogadzwa semutungamiri wenyika kunhandare yeNational Sports Stadium nhasi. Magweta makuru enyika vachisvika pachiitiko chanhasi. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Vachitaura nevatori venhau kekutanga kubva zvakaturwa neChishanu mutongo nedare reConstitutional Court wekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, VaChamisa vati ivo ndivo vakakunda musarudzo uye vati vane humbowo hwavachaburitsa panguva iri kutevera.
Vachitura mutongo wedare reConstitutional Court neChishanu masikati, mutongi mukuru wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vati VaChamisa havana kusvitsa humbowo kudare hunoratidza kuti sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru dzakabirirwa.
Zvichaturwa nedare reConstitutional Court neChishanu ndizvo zvichatevedzerwa sezvo pasina kumwe kwazvinopikiswa pasi pemitemo yenyika.
Dare repamusoro-soro reConstitutional Court rarasa chikumbiro chesangano re Misa Zimbabwe, chekuti vatori venhau vapihwe mukana wekutora mifananidzo yemavhidhiyo pachange pachinzwikwa nyaya yakakwidzwa kudare nemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaudza vatori venhau muHarare kuti vanovimba kuti dare reConstitutional Court richapa mutongo wekuti ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika. Vhidhiyo:Thomas Chiripasi.
Rodhai zvimwe