Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votsika Madziro Vachiti Ndivo Vakakunda Musarudzo yeMutungamiri weNyika


Opposition leader Nelson Chamisa addresses a media conference at party headquarters in Harare, Zimbabwe, Aug, 25, 2018.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vari kuronga kuratidzira munyika yose vachiti vakakunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru kunyange hazvo dare repamusoro-soro rakatura mutongo wekuti mutungamairi weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vachitaura nevatori venhau kekutanga kubva zvakaturwa neChishanu mutongo nedare reConstitutional Court wekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, VaChamisa vati ivo ndivo vakakunda musarudzo uye vati vane humbowo hwavachaburitsa panguva iri kutevera.

Mashoko aVaChamisa aya anouyawo apo dare rakaramba kuti humwe humbowo hwavaive nahwo husvitswe mudare vachinzi vakanga vanonoka kuhusvitsa zvakazoita kuti dare rirase nyaya yavakakwidza kudare yekuti zvakabuda musarudzo zvisendekwe parutivi richiti VaChamisa vakanga vasina humbowo hwakakwana.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe pamire bato nezvenyaya iyi.

Asi imwe nmhengo yeZanu PF, VaBright Matonga, vati VaChamisa vanofanira kutambira zvakaturwa nedare.

VaChamisa vati vachashandisa nzira dzose dziri pamutemo dzinosanganisira kuratidzira munyika yose kuti vadzivirire mavhoti everuzhinji vakavavhotera vachiti havasi kuzomirira zvesarudzo dzemuna 2023.

Vati mazuva ekuratidzira achaziviswa kana vachinge vawirirana sebato pavachaita musangano wekomiti yepamusoro yebato ravo neChitatu.

Asi VaMatonga vati VaChamisa vanofanira kusiyana nenyaya yekuti verizhinji varatidzire vachiti zvinokonzeresa kukuvara kwevanhu sezvakaitika mukuratidzira kwemusi wa 1 Nyamavhuvhu uko kwakasiya vanhu vakawanda vafa mushure mekupfurwa nemasoja.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatarisirwa kugadzwa zviri pamutemo semutungamiri wenyika mangwana zvichitevera mutongo wakaturwa nedare neChishanu

VaChamisa vati havasi kuzoenda kunoona VaMnangagwa vachigadzwa vachiti havadziye moto wembavha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG