Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weBritain, Amai Theresa May, Vonyenyeredza Zimbabwe Murwendo Rwavo kuAfrica


Theresa May lors d'une réunion à 10 Downing Street à Londres, le 24 juillet 2018.
Theresa May lors d'une réunion à 10 Downing Street à Londres, le 24 juillet 2018.

Mutungamiri wehurumende yeBritain, Amai Theresa May, vanyenyeredza Zimbabwe mukushanya kwavari kuita kekutanga muAfrica kubva zvavakapinda mumasimba kunyange hazvo mumiriri wenyika yavo muZimbabwe, Amai Catriona Laing, vanga vachiratidza kuti hurumende yavo iri kutsigira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Amai May, avo vari kushanyira muAfrica kekutanga kubva pavakapinda mumasimba muna 2016, vatanga nekushanyira South Africa neChipiri uko kwavaita musangano nemutungamiri wenyika iyi, VaCyril Ramaphosa.

Vane ruzivo nezvaitika mumusangano uyu vati Amai May naVaRamaphosa vazeyawo nyaya dzesarudzo dzakaitwa muZimbabwe musi wa30 Chikunguru pamusoropekuzeya nezvekudyidzana kwenyika dzavo.

Munyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo Amai May vasina kupinda muZimbabwe, vanovimba kuti Zimbabwe yamirirwa zvakakwana naVaRamaphosa sezvo vachiti hukama pakati pehurumende yaVaMnangwagwa nehurumende yeSouth Africa hwakasimba chose.

Mumiriri weBritain muno, Amai Catriona Laing, vakaratidza mumwedzi mishoma kuti hurumende yavo yaitsigira hurumende yaVaMnangagwa.

VaMangwana vati hurumende yeZimbabwe ikagadzirisana neBritain panyaya yekutorerwa kwakaitwa varungu minda, kudyidzana pakati peZimbabwe neBritain kunogona kusvika pachinhanho chepamusoro.

Asi vanoona nezvekurongwa kwemisangano muMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaAmos Chibaya, vati Amai May havaizouya kuZimbabwe sezvo nyaya dzesarudzo pamwe nekodzero dzevanhu dzisiri kubatwa zvakanaka nehurumende yaVaMnangagwa.

VaMangwana vati kudyidzana pakati peBritain neZimbabwe kuchanyatsosimba kana Britain yabuda muEuropean Union, EU, muchirongwa chiri kudaidzwa kuti Brexit sezvo Britain ichange yave kuzviitira zvinhu zvayo yoga zvisinei neEU.

Asi VaChibaya vati kuti zvinhu zvinakire Zimbabwe munyaya dzekudyidzana neBritain, hunge Zimbawe yasvika pakuita sarudzo dzakajeka nekuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nemitongo yematare.

Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaConrad Gweru, vaudza Studio 7 kuti kusauya kwaAmai May muZimbabwe mucherechedzo wekuti nyika dzekumavirira hadzisati dzaziva padzimire zvichitevera sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru dzinonzi naVaChamisa dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institutein Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vati Britain inokwanisa kunyatsodyidzana zvakanyanya neZimbabwe kana hurumende ikavandudza mitemo inoita kuti vemabhizimusi vekunze vade kusima mari dzavo muZimbabwe.

Amai May vachibva muSouth Africa vari kutarisirwa kunge vari kuNigeria mangwana uko kwavachanoita musangano nemutungamiri wenyika iyi, VaMuhammadu Buhari, vasati vaenda kuKenya uko kwavachanosangana zvakare nemutungamiri wenyika iyi, VaUhuru Kenyatta, avo vakabva kuonana nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Mushure memusangano wavachaita naAmai May, VaKenyatta vakatarisirwawo kuenda kuChina kwavachanoita musangano nemutungamiri wenyika iyi, VaXi Jinping, wekusimbaradza nyaya dzekudyidzana pakati penyika yavo neChina.

Amai May vakatarisirwa kupeta kushanya kwavo muAfrica nekunoona mauto enyika yavo ari muKenya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:10:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG