Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Romirira neChishanu Mutongo weConCourt


Constitutional Court Pic1 Zimbabwe Elections
Constitutional Court Pic1 Zimbabwe Elections

Mamwe magweta anoti ari kutarisira kuti dare reConstitutional Court richatura mutongo waro nemusi weChishanu risina divi rarakarerekera.

Magweta aya ati kurambidzwa kwakaitwa vamwe vevakakwidza musarudzo yemutungamiri kunzwikwa nedare iri, kwaive pamutemo.

Dare reConstitutional Court rakaramba kuti vamwe vevakakwikwidza musarudzo yemutungamiri vanzwikwe mudare painzwikwa nyaya yakakwidzwa kudare iri nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, avo vari kuda kuti zvakabuda musarudzo iyi zvisendekwe parutivi.

Mumwe wevakakwikwidza musarudzo, VaTimothy Chiguvare, vati zvavaizotaura mudare dai vakapihwa mukana zvaizobatsira kuti dare ritonge nyaya iyi riine ruzivo rwakakwana rwezvakaitika pakaitwa sarudzo iyi musi wa30 Chikunguru.

Asi rimwe gweta uye vari mutungamiri webato reNational Consitutional Assembly, avo vakakwikwidzawo musarudzo yemutungamiri wenyika, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vati hapana chakaipa pane zvakaitwa nedare reConstitutional Court.

VaMadhuku vati kuramba kunzwikwa kwakaitwa vamwe vevakakwikwidza musarudzo iyi kuri pamutemo.

Rimwe gweta remuHarare, VaAgency Gumbo, vati vane chivimbo chekuti dare reConstitutional Court richatura mutongo waro risina divi rarakarerekera kunyange hazvo vamwe vanhu vazhinji munyika vachityira kuti vatongi vanogona kunge vachishanda vasina kuzvimirira.

VaMadhuku vatiwo vane chivimbo chekuti dare iri richaturawo mutongo wakanaka sezvo veruzhinji vakaona pazvivhitivhiti nyaya iyi ichinzwikwa vari kuziva zvose zvakaitika mudare.

VaMadhuku vati kuburitswa kwakaitwa kunzwikwa kwenyaya iyi paZBC hazvinganzi munyika mave nehutongi hwejekerere.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vati nyaya dzakakoshera nyika dzinofanira kugara dzichibuditswa panhenpfenyuro kuitira kuti Zimbabwe isimudzire nyaya dzehutongi hwejekerere munyika.

Magweta ari kumirira VaChamisa panyaya iyi pamwe nemagweta ari kumirira VaEmmerson Mnangagwa ose ati ari kutarisira kukunda pamutongo uchaturwa nedare mangwana.

Zvichaturwa nedare reConstitutional Court neChishanu ndizvo zvichatevedzerwa sezvo pasina kumwe kwazvinopikiswa pasi pemitemo yenyika.

Kana dare rikarasa nyaya yaVaChamisa, mutemo unoti mutungamiri wenyika anofanira kugadzwa mukati memazuva maviri kubva paturwa mutongo uyu.

Kana dare iri rikasendeka parutivi zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, mutemo unoti sarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika inofanira kuitwa mukati memazuva makumi matanhatu.

Dare iri rine masimbawo ekuti ridome VaChamisa semunhu akakunda musarudzo iyi, izvo zvinobva zvaitawo kuti vagadzwe semutungamiri wenyika mukati memaawa makumi mana nemasere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG