Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanodoma VaNcube naVaKomichi seVatevedzeri Vavo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vadoma VaWelshman Ncube pamwe naVaMorgen Komichi, sevatevedzeri vavo.

VaNcube naVaKomichi vari kubatana naVaElias Mudzuri kuva vatevedzeri vatatu vaVaChamisa.

VaChamisa vasimudzirawo Muzvare Thabitha Khumalo kuva sachigaro vebato, uye mutevedzeri wavo vari VaTendai Biti, avo vanga vari mutungamiri wePeople's Democratic Party.

VaJacob Mafume ndivo mutauriri mutsva webato. VaMafume vanga vari mutauriri wePeople's Democratic Party.

Mutauriri waVaChamisa, VaNkululeko Sibanda, vati vakaedza kuti nhaurirano nechikwata cheMDC-T chinotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Asi mutevedzeri waMuzvare Khupe, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 kuti hapana kumbobvira paita nhaurirano dzakadai pakati pechikwata chavo nechikwata chaVaChamisa.

VaSibanda vati MDCT yaMuzvare Khupe yave kushanda neZanu PF ndosaka vari kuramba kushanda nevamwe vemapato anopikisa.

Asi VaGutu vati zviri kutaurwa naVaSibanda izvi ndezvemugotsi matsuro.

VaGutu vatiwo kugadzwa pazvigaro kwakaitwa VaNcube pamwe naVaBiti naMafume, hakusi pamutemo sezvo vachiti zvinzvimbo zvakadai zvinogadzwa vanhu pakongiresi chete.

Asi VaMafume vaudza vatori venhau kuti VaChamisa vane masimba mubumbiro ravo remitemo rekuita izvi uye pamusoro pezvo vanoti vakapihwa masimba ekuita izvi nekomiti yepamusorosoro mubato ravo pakati pemakongiresi reNational Council.

Hatina kukwanisa kutaura nemamwe mapato aive mumubatanidzwa weMDC Alliance akaita seZimbabwe People First neTransform Zimbabwe kuti tinzwe paamire panyaya yekupinda muMDC.

Kunyange hazvo tatadza kutaura nemutauriri weTransform Zimbabwe, VaJustin Makota, avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo, vane ruzivo nezviri kuitika mubato iri vanoti mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vakamirira kuita musangano nehutungamiri hwebato ravo vasati vazivisa kuti votora gwara ripi panyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti mapato ose anopikisa ari munyika akabatana kuita bato rimwe chete ane mukana wakakura kwazvo wekubvisa Zanu PF mumasimba pachaitwa sarudzo dzinotevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG