Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vagadzirira kupinda mumigwagwa vachiratidzira zvichitevera sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru dzavanoti dzakabirirwa.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatsigiri vavo paHuruyadzo Shopping Centre kuSt Marys kuChitungwiza, VaChamisa vati vakazvipira kutungamirira kuratidzira vasingapfurikidze mwero vachiti havasi kufara nekubirirwa kwavanoti kwakaitwa sarudzo.
VaChamisa vatiwo havasi kuzofa vakakorokotedza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nekukunda kwavakaita musarudzo vachiti havangapembedze munhu ari kuita kuti hupenyu hweveruzhinji huome kubirikidza nekusagamuchirika kwekukunda kwakaita VaMnangagwa.
VaChamisa pavataura nyaya yekuti paratidzirwe vachiti kwese kwavari kufamba vari kuudzwa kuti ndizvo zvoga zvasara sezvo zvakakona mumatare, vatsigiri vavo vanga vari pamusangano uyu vati vari kutoda kupinda mumugwagwa kana nhasi chaiye.
Mumwe wevatsigiri veMDC ava, VaReuben Mhuriyengwe, vati hupenyu hwavaomera zvichitevera kusafamba zvakanaka kwakaita sarudzo.
Muzvare Eneresi Mapondera vatiwo vanovimba kuti kuratidzira zvine runyararo sezviri mumbiro remitemo zvichaitawo kuti dzimwe nyika dzipindire mugakava resarudzo dzemuZimbabwe.
VaChamisa vati vachazivisa zuva rekuratidzira uku kana vapedza kutenderera nenyika yose kwavari kuita vachibvunza kuti votora gwara ripi nezvaitika pasarudzo vachitevera nzira yakabvumiranwa nekomiti yepamusoro-soro mubato ravo yeNational Council.
Vaudzawo vatsigiri vavo kuti vari mubishi kubatanidza zvipoka zvakatsemuka kubva muMDC kuti vatange kushanda pamwechete sebato rimwe chete vachiti nhengo dzebato ravo dzinofanira kutsvaga rutsigiro mururnyararo pamberi pekongiresi yebato ravo yakatarisirwa kuitwa gore rinouya.
Zanu PF inoti VaChamisa vanofanirwa kutambira zvakabuda mudare reConstitutional Court iro rakati VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo.
VaMnangagwa vakatiwo vakatambanudza maoko avo kuna VaChamisa kuti vashande vose kuitira kuti nyika ienderere mberi.
Asi VaChamisa vanoti havagote moto wembavha.
Facebook Forum