VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi vagadzwa zvirii pamutemo sevatevedzeri vemutungamiri wenyika, bato rinopikisa reMDC-T yaVaNelson Chamisa richiti haris kutambira kugadzwa kwevaviri ava.
VaChiwenga naVaMohadi vatora mhiko kuti vashande sevatevedzeri vaVaEmmerson Mnangagwa pamberi pemukuru-wevatongi vematare edzimhosva munyika, VaLuke Malaba, pachiitiko chaitirwa kuState House.
Mushure mekutora mhiko, VaChiwenga vaudza Studio7 kuti yave nguva yekushanda zvakasimba kuedza kusimudzira hupfumi hwenyika zvichitevera sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru idzo dzinonzi neMDC Alliance dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro naVaMnangagwa nebato ravo reZanu PF.
Vange vari gurukota rezvemitemo VaMnangagwa vasati vagadzwa semutungamiri wenyika, VaZiyambi Ziyambi, vaudza Studio7 kuti bumbiro remitemo rakatyorwa muna 2013 vatevedzeri vemutungamiri wenyika pavakatora mhiko pamberi paVaRobert Mugabe avo vakazosiya basa semutungamiri wenyika mushure mekupindira kwakaita mauto mune zvematongerwo enyika gore rapera.
Sachigaro weMDC-T inotungamirwa naVaChamisa, VaMorgen Komichi, vashora kugadzwa kwaitwa VaChiwenga naVaMohadi vachiti vanhu vasisina zvitsva zvingabatsire nyika.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari sachigaro weZanu PF kuBritain, VaNick Mangwana, vaudza Studio7 kuti VaChiwenga naVaMohadi vanhu vane nhoroondo yekushandira nyika yakasimba.
VaMnangagwa vakatarisirwa kudoma makurukota ehurumende munguva pfupi iri kutevera mushure mekunge vadzoka kumusangano weFocac Summit uyo uri kuitirwa kuChina uko kwavari kuenda neChishanu.
VaMangwana vati pachine mukana wekuti VaMnangagwa vashande naVaChamisa zvisinei nekuti VaChamisa vari muhurumende yemubatanidzwa here kana kuti kwete.
VaChamisa vakatotaura kare kuti havasi kuzopinda muhurumende yemubatanidzwa naVaMnangagwa vachiti ndivo vanofanira kunge vachiumba hurumende.
VaChamisa vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo vachiti sarudzo idzi dzakabirirwa kunyange hazvo dare repamusorosoro munyika reConstitutional Court rakatura mutongo wekuti VaMnangagwa vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika zviri pachena.
Facebook Forum