Accessibility links

Breaking News

Makanzura eKanzuru yeHarare Anogadzwa


Maguta makuru eHarare neBulawayo akatodoma

Vakasarudzwa kuti vaive makanzura mukanzuru yeHarare vatoreswa mhiko nhasi VaHerbert Gomba vachisarudzwa kuva Meya weguta reHarare. Mutori wedu wenhau

Makanzura ekanzuru yeHarare makumi mana nevatanhatu atora mhiko pamberi pevakafanobata chigaro chamabharani weguta iri, VaHoseah Chisango.

Mushure mekutora mhiko, mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa mupurovhinzi yeHarare, Amai Catherine Kampila vazivisa kuti VaHerbert Gomba ndivo vasarudzwa nemamwe makanzura kuti vave meya mutsva weHarare uye VaEnock Mupamawonde vakasarudzwa kuve mutevedzeri waVaGomba.

VaGomba naVaMupamawonde inhengo dzeMDC Alliance vose vari vaviri. Nhengo yeZanu PF yakasarudzwawo sakanzura wekuMbare, VaMartin Matinyanya, vazvidoma kuti vakwikwidze pachigaro chameya pamwe nechemtevedzeri waMeya asi vashaya avatsigira sezvo vachiva mumwe chete vari kumirira Zanu PF mukanzuru.

VaGomba, avo vanove kanzura weGlen Norah, vaudza Studio 7 kuti vachashanda zvakasimba kuona kuti veruzhinii vawana mvura yakachena uye migwagwa yagadzirwa.

Mumwe wemakanzura aya, VaJacob Mafume, vanove nhengo yeMDC Alliance, vanoti chavanofanira kuita semakanzura kugadzira hwaro hwakanaka huchatevedzwa nekanzuru yavo vachiti vave kuunza hutungamiri hutsva mukanzuru yeHarare.

Kunyange vasina mumwe anobva kubato ravo reZanu PF mukanzuru yeHarare, VaMatinyanya vati vachashanda zvakasimba pamwe vachibatsirana nemakanzura eMDC Alliance kuti vasimudzire hupenyu hweveruzhinji muguta reHarare.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Shupikai Kaipa vanogara kuGlen Norah, vanoti vari kutarisira kuti VaGomba nekanzuru yavo vachashanda zvakasimba kurwisa nyaya yehuori mukanzuru pamwe nekuona kuti vagari vawana zvose zvavanobhadharira mitero.

Zvichakadai, VaGomba vakurudzira hurumende kuti ipe makanzuru mari inoita zvikamu makumi mashanu kubva muzana inobva pabhajeti renyika sezvakatarwa pamutemo.

Zvinonzi kubva muna 2013 pakanyorwa bumbiro idzva remitemo hurumende haisati yambopa makanzuru mari yainosungirwa kuapa kuti ashandise munyaya dzebudiriro.

VaGomba vati hurumende inofanira kuve nehukama nemakanzura eHarare kuitira kuti vakwanise kushanda zvinogutsa vagari vachiti vari muhurumende pamwe nemumakanzuru vanhu vakasarudzirwa kushandira vanhu zvisineyi nekuti vanobva kumapato api.

Kugadzwa kwaitwa makanzura eHarare neMuvhuro kunoreva kuti makanzura aya anosungirwa kutevedzera zvibvumirano zvakaitwa nemakanzura aivepo nemamwe makanzuru kana makambani.

Vanhu vanga vauya kuzoona makanzura vapembera pavaona VaGomba naVaMupamawonde vasarudzwa kuti vatungamire kanzuru yeHarare.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG