Nyanzvi munyaya dzezvematongewrwo enyika dzinoti kucherechedzwa kwakaitwa mutungamiri wenyik, VaEmmerson Mnangagwa, semunhu akasarudzwa zviri pachena kwakitwa nevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, hachisi chinhu chinonyanyoshamisa zvikuru sezvo VaMugabe naVaMngangagwa vari vanhu vainzwanana kwenguva yakareba.
Vachitaura parufu rwaamai vemudzimai wavo nezuro, VaMugabe vakati vari kutambira kusarudzwa kwakaitwa VaMnangagwa semutungamiri wenyika musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru idzo dzinonzi neMDC Alliance dzakabirirwa zvemahndo yepamusoro-soro.
VaMugabe vakakurudzira kuti vemapto anopikisa vabvumidzwe kuita misangano yavo pasina anovavhiringidza. VaMugabe vakati yave nguva yekuti munhu wese achitsigira hurumende iripo parinzvino sezvo sarudzo dzakapfuura.
Vachitaurawo parufu urwu, Amai Grace Mugabe vakatenda VaMnangagwa nekuvabhadharira ndege yakavatakura kubva kuSingapore kuuya kuHarare kuti vazochema amai vavo.
Amai Mugabe vakatiwo vachanamatira VaMnangagwa nekune rumwe rutivi VaMugabe vachiti hutongi hwaVaMnangagwa hwakanatsurudzwa nekukunda kwavakaita musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru zvichitevera kupinda panyanga kwavakaita mushure mekupindira kwakaita masoja munyaya dzezvematongerwo enyika gore rapera.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutugamiri wesangano revadzidizisi vekumaruwa reAlamgamted Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati hapana chinovakatyamdza nemashoko aVaMugabe nemudzimai wavo sezvo VaMugabe vagara vari bhandi nebhurugwa kunyange hazvo vakazonyandurana pakapindira masoja mune zvematongerwo enyika gore rapera zvakazoita kuti VaMugabe vasiye basa.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaConrad Gweru, vaudza Studio 7 kuti mashoko aAmai Mugabe anoratidzawo kufara nezvakaitwa naVaMnangagwa zvekuvatsvagira ndege.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira zvakare, VaVivid Gwede, vanoti kutsigira kwakaitwa zvakabuda musarudzo naVaMugabe kunoratidza kuti VaMugabe munhu ari kutsvaga kuchengetedzwa naVaMnangagwa.
VaGwede vatiwo VaMugabe haasi zvakare munhu angateerererwa panyaya dzesarudzo sezvo sarudzo dzose dzavakaita dzaive sarudzo dzisiri pachena.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru vachiti dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro.
VaChamisa vanoti bato ravo riri mubishi kubvunza vatsigiri varo kuti votora gwara ripi sebato zvichitevera kusafamba zvakanaka kwavanoti kwakaita sarudzo idzi.
Facebook Forum