Accessibility links

Breaking News

MDC-T yaVaChamisa Yoronga Kunzwa Pfungwa dzeVatsigiri Vayo paMutongo weDare reConstitutional Court


Sachigaro veMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaMorgan Komichi.
Sachigaro veMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaMorgan Komichi.

Hutungamiri hweMDCT yavaNelson Chamisa nezuro hwakabvumirana kudzokera kuvatsigiri vebato iri kunovabvunza danho rekutora zvichitevera kubirirwa kunonzi nebato iri kwakaitwa sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Vachitaura neStudio 7 mushure mekupedza musangano wekomiti yepamusorosoro yebato yeNational Council uyo wakatora zuva rose, sachigaro weMDCT yaVaChamisa, VaMorgen Komichi vanoti vabvumirana kuti vaende kunobvunza vatsigiri vavo kuti votora gwara ripi zvichitevera kubirirwa kwavanoti kwakaitwa bato ravo musarudzo vachiti simba rehove riri mumvura.

VaKomichi vati havasi kumhanyira kuzotungamidza pfungwa dzekuti vanhu varatidzire asi vati ikodzero dzevanhu kuratidzira kana vachida.

Asi munyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaPaul Mangwana vaudza Studio 7 kuti MDCT yaVaChamisa inofanira kugamuchira kukundwa musarudzo vachiti kuratidzira hakuchashandure hurumende.

VaKomichi vati musangano uyu wakapa VaChamisa masimba ekuzeya nyaya dzekusimbaradza mubatanidzwa weMDC Alliance zvichitevera mashoko eMDC inotungamirwa namuzvinafundo Welshman Ncube ekuti mubatanidzwa weMDC Allaince unofanira kushandurwa kuitwa bato rimwechete rakasimba.

VaChamisa vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo vachiti ndivo vakakunda musarudzo idzi kunyange hazvo dare reConstitutional Court rakatura mutongo wekuti VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakakunda pasarudzo yemutungamiri wenyika.

Zvimwe zvakasungwa nehutungamiri hweMDC-T zvinosanganisira kupa mvumo kuna VaChamisa semutungamiri kuti vaite nhaurirano nevose vane chekuita mukugadzirisa gakava riripo, kuita misangano yekutenda vanhu vavanoti mamiriyoni maviri nemazana matanhatu ezviuru vavanoti vakavhotera VaChamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG