Accessibility links

Breaking News

Dare Rinorasa Chikumbiro chaVaChamisa Richiti VaMnangagwa Vakasarudzwa Zviri paMutemo


Justice Luke Malaba outside the Bulawayo High Court on Monday.
Justice Luke Malaba outside the Bulawayo High Court on Monday.

Dare reConstitutional Court rarasa chikumbiro chemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, chekuti zvakabuda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguruzvisendekwe parutivi, rikati mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vakasarudzwa zviri pachena.

Vachitura mutongo wedare reConstitutional Court neChishanu masikati, mutongi mukuru wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vati VaChamisa havana kusvitsa humbowo kudare hunoratidza kuti sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru dzakabirirwa.

VaMalaba vati VaChamisa vaifanira kuuya kudare nehumbowo hwemafomu akashandiswa pasarudzo anodaidzwa kuti maV11 forms kuti varatidze dare kuti komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, Zec, yakatadza kufambisa basa rayo zvakanaka sezvavakataura mudare.

VaMalaba vatiwo kunyange hazvo Zec yakachinja zvakabuda musarudzo katatu, izvi zvaiva mumasimba ayo uye zvakaitwa pamutemo.

Vatiwo kunyange Zec yakachinja zvakabuda musarudzo katatu, kuchinja uku hakuna chinoratidza kuti VaMnangagwa havana kuwana mavhoti anodiwa pamutemo kuti vasanzi havana kukunda musarudzo idzi.

VaMalaba vatiwo VaChamisa vaive nemukana wekuenda kudare rinoona nezvesarudzo reElectoral Court kuti vakonzerese kuvharwa kwemabhokisi ezvakabuda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru asi havana kuita izvi.

Vati mumabhokisi aya ndimo mavaifanira kuwana humbowo hwanga huchidiwa nedare hwaizoratidza kuti sarudzo dzakabirirwa.

Vatiwo chichemo chakasvitswa kudare naVaChamisa chekuti pane vadzidzisi zviuru makumi mana vasina kukwanisa kuvhota hachina hudzamu sezvo vati hazvaizivikanwa kuti vanhu ava vaizovhotera ani uye hapana humbowo hwavakauya nahwo hwevanhu vasina kuvhota ava kudare kunze kwekungotaura nemuromo chete.

Mukuru anoona nezvesarudzo muZec, VaUtoile Silaigwana, avo vaimbove mushandi muZimbabwe National Army, vaudza Studio 7 kuti vafara nekuchenurwa kwavaitwa nedare sekomisheni.

Imwe nhengo yeZanu PF, VaBright Matonga, avo vaimbove mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, vati vafara nemutongo waturwa nedare.

Asi sachigaro weMDC-T, VaMorgan Komichi, vati havasi kutambira zvaturwa nedare vachiti vanozviziva kuti VaChamisa ndivo vakakunda musarudzo.

Munyori mukuru muMDC-T, VaDougklas Mwonzora, vaudza vatori venhau panze pedare kuti vachaita musangano wekomiti yavo yepamusoro nemusi weChitatu svondo rinouya wekuzeya kuti votora danho ripi kubva zvino kuenda mberi zvichitevera mutongo waturwa nedare nhasi.

Zvichakadai, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza nhepfenyuro yeZBC kuti vafara nemutongo waturwa vakatamabanudza ruoko rwavo kuna VaChamisa vachiti ngavauye vashande pamwe chete mukusimudzira nyika yeZimbabwe.

Asi havana kubuda pachena kuti vanoda kushanda navo seyi.

Mushure mekuturwa kwaitwa mutongo nedare, vatsigiri veZanu PF vabva vatanga kupembera pakati pedhorobha kunyange hazvo vanga vari vashomanana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG