Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoramba Yakavhara Muromo paKurwara kwaVaSibusiso Moyo


Le ministre des Affaires étrangères Sibusiso Moyo, à Harare, le 4 décembre 2017.
Le ministre des Affaires étrangères Sibusiso Moyo, à Harare, le 4 décembre 2017.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vari kurapwa vari muchipatara chemuHarare zvichitevera kuendeswa kwavakaitwa nezuro mushure mekurwara.

Kurwara kwaVaMoyo kwaita kuti vatadze kuenda kumusangano wepagore weUnited Nations General Assembly, UNGA, kuNew York, uko mutuygamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kutaura kekutanga neChitatu chinouya.

Pasvika Studio7 pachipatara cheAvenues Clinic muHarare, ana chiremba vepachipatara apa varamba kuti tipinde muri kurapirwa VaMoyo vachiti muri kungobvumidzwa vanhu vashomanana chete uye varamba kutaura kuti vari kurwara nei vachiti mitemo yebasa yakavasunga mbiradzakondo.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vabuditsawo vhidhiyo padandemutande vachiti vakwanisa kuona VaMoyo uye vati vari kuita zviri nani.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rehurumende rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kanawo kunzwa kumudzimai waVaMoyo, Amai Loice Matanda-Moyo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paGreat Zimbabwe University, VaTakavafira Zhou, vanoti kutadza kwaVaMoyo kuenda kuUNGA zvichaita kuti Zimbabwe itadze kushandisa mukana wemusangano uyu kutaura nehurumende dzekunze dzakawanda idzo dzichange dzine vamiriri pamusangano uyu.

VaMoyo, avo vakazivisa nyika muna Mbudzi gore rapera kuti mauto ainge apindira munyaya dzematongerwo enyika senzira yekubvisa mbavha dzaive dzakakomberedza vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe,ndivo vari kutungamirira hurongwa hehurumende hwekuti Zimbabwe ichidzokera pamakare-kare payaidyidzana zvakanaka nedzimwe nyika.

Izvi zvatsinhirwa neimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaConrad Gweru.

Asi imwe nhengo yebato riri kutonga reZanu PF, VaBright Matonga, avo vaimbova mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekubuditswa kwemashoko, vaudza Studio7 kunyange hazvo kurwara kwatadzisa VaMoyo kuenda kumusangano weUnited Nations uyu, Zimbabwe yakamiririrwa zvakakwana vachiti kufa kwemujoni kamba haivharwe.

VaMnangagwa vakasimuka munyika nezuro vakasiya mumwe wevatevedzeri vavo, VaKembo Mohadi, vari ivo vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika.

Musangano weUnited Nations uyu wakatarisirwa kuzeya nyaya dzerunyararo pasi rose nedzimwewo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG