Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga Hutungamiri hweZCTU muHarare neDzimwe Nzvimbo


Mr Peter Mutasa
Mr Peter Mutasa

Mapurisa asunga nhengo dzesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions muHarare pamberi pekuratidzira kwangu kwarongwa nesangano iri richinyunyuta nekuoma kuri kuramba kuchiita hupenyu kunonzi neZCTU kwakonzerwa nekukwidzwa kwakaitwa mitero nehurumende.

Kuratidzira kwanga kwakarongwa neZCTU kwatadza kuenderera mberi muHarare sezvo mapurisa akomberedza muzinda wesangano revashandi iri akasunga hutungamiri hwesangano iri.

Mutauriri weZCTU, VaLast Tarabuku, vaudza Studio7 kuti vasungwa ava vanomwe avo vanosanganisira mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, munyori mukuru musangano iri VaJaphet Moyo nevamwe.

Rimwe remagweta ari kumirira vasungwa uye vari vesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaLizwe Jamela, vati vasungwa ava vari kupomerwa mhosva yekuita zvinhu zvisina maturo.

VaJamela vatiwo pane vashandi veZCTU pamwe nedzimwe nhengo dzesangano iri vari kutadza kubuda mumahofisi esangano iri sezvo mapurisa akapakatira zvombo akakomberedza muzinda weZCTU kubva mangwanani.

Zvichitevera kusungwa kwaitwa hutungamiri hweZCTU uku, hapana kuratidzira kwazoitwa muHarare.

Zvichakadai, mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Lanzini Ncube, vatura mutongo wekurambidza ZCTU kuratidzira vachiti muHarare muchine chirwere chekorera chichakadzika midzi vachiti kuratidzira kwanga kuchida kuitwa uku kwaizokonzera kupararira kwechirwere ichi.

ZCTU yanga yakwidza nyaya iyi kumatare mushure mekunge mapurisa arambidza sangano iri kuratidzira nhasi nepamusana pechirwere chekorera icho chauraya vanhu makumi mana nevapfumbamwe kusvika parizvino.

Kunyange hazvo dare nemapurisa ari kurambidza ZCTU kuratidzira, mitambo yenhabvu iri kuitwa muHarare, uye Zanu PF yakaita musangano wayo nguva pfupi yapfuura pasina kurambidzwa nemapurisa.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yakarambidzwawo kuita musangano wayo zvichinzi munyika mune chirwere chekorera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG