Accessibility links

Breaking News

Komisheni yaVaMotlanthe Yotanga Kunzwa Zvakaitika


Motlanthe Commission
Motlanthe Commission

Komisheni yakagadzwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti iongorore mhirizhonga yakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu, yatanga kunzwa huchapupu kubva kuvanhu vanoti vakaona zvakaitika musi wakaitwa mhirizhonga iyi mushure mesarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Kunzwikwa kwezvakaitika pamhirizhonga kwatanga muHarare neChipiri kuchitungamirwa nevaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Mothlante.

Vachitura mashoko avo vafakazi vasati vatanga kutura humbo hwavo kukomisheni iyi, VaMotlanthe, avo vanove sachigaro wekomisheni iyi, vati chavari kutsvaga ichokwadi chezvakaitika kuti chibude pachena.

VaMotlanthe vachipedza kutaura vatori venhau vemasangano akazvimirira vanyunyuta kuna VaMothlante pavanzi vachibuda muhotera manga muchinzwikwa nyaya iyi kuitira kuti kusare vatori venhau veZBC chete.

Mumwe wevatori venhau ava, Violet Gonda, uyo anoshanda akazvimirira audza VaMotlanthe kuti vatori venhau vese vanofanirwa kubatwa zvakafanana sezvo kunzwikwa kwenyaya iyi kuri kuitwa pajekerere.

Mushure meizvi, vafakazi vapa humbowo hwavo kudare vanosanganisira Muzvare Patricia Ruzawi avo vaiva mumwe wevaongorori vesarudzo, VaWalter Mutanga, avo vanochengetedza pamuzinda webepanhau reHerald, naVa Peter Manowa, avo vati vanoshanda pamahofisi eZanu PF mupurovhinzi yeHarare vati mhirizhonga yakaitika musi uyu yakakonzerwa nevechidiki veMDC Alliance avo vavanoti vairatidzira mudhorobha.

Muzvare Ruzawi vaudzawo komisheni iyi kuti dai hurumende yaona kuti mahofisi emapato ezvematongerwo enyika abviswa pakati pedhorobha kuitira kuti veruzhinji vasakuvare kana kufa kana vezvematongerwo enyika vachiita zvemhirizhonga.

Mumwe wevapa hufakazi, VaLawson Nyanhanda, vatiwo vakamanikidzwa nemasoja kubuda mumotokari mavo vakashungurudzwa zvakaomarara ndipo pavanoti vakazototesa mabhurugwa avo vanzwa pfuti dzichirira.

VaManowa vatiwo mapurisa akaridza pfuti pamahofisi eZanu PF ari muna Fourth Street kudzamara mabara apera mushure mekunge varatidziri veMDC Alliance ava vapisa motokari dzaiva pamahofisi ebato ravo, aya pamwe nekukanda matombo akasiya mahwindo emahofisi avo apwanyika.

Mumwe wevakapfurwa pamhirizhonga yemusi uyu, VaAdrian Munjere, avo vanga varipowo nhasi vati vari kushushikana zvikuru nezvakaitika izvi.

Kunzwikwa kwezvakaitika pamhirizhonga yemusi wa1 Nyamavhuvhu kwanzi naVaMotlanthe kuchaenderera mberi mangwana vafakazi vachipa humbowo hwavo kukokmisheni iyi.

Pamhirizhonga iyi pakafa vanhu vatanhatu vanofungidzirwa kuti vakapfurwa nemasoja. Asi masangano akazvimirira anoti huwandu hwevanhu vakafa musi uyu hunodarika gumi sezvo vamwe vakafira munzira vachiendeswa kuzvipatara.

VaMotlanthe vati vachapa gwaro rezvavachawana muongororo yavo kumutungamiri wenyika mushure memwedzi mitatu kubva musi wakagadzwa komisheni yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG