Accessibility links

Breaking News

Vabereki Votyira Vana Vavo Kubata Korera kuZvikoro


Chirwere chekorera chiri kupararira muZimbabwe
Chirwere chekorera chiri kupararira muZimbabwe

Vamwe vabereki vanonzi vave kurambidza vana vavo kuenda kuzvikoro muHarare zvichitevera kufa kuri kuita vanhu nechirwere chekorera muguta iri. Nekune rumwe rutivi, vagari vemuHarare vari kukurudzira hurumende pamwe nekanzuru kuti vagadzirise pombi dzinotakura tsvina idzo dzakabvajuka munzvimbo dzakawanda muguta iri.

Vamwe vana vanodzidza kune dzimwe nzvimbo dzisati dzasvikirwa nechirwere chekorera muHarare dzakaita seMabelereign, Avonlea neGreencroft nedzimwe vanoti vave kutyira kubatira zvirwere muzvikoro.

Mumwe mwana watisingakwanise kudoma nezita nepamusana pekuti haasati asvitsa makore atinobvumirwa kutaura pamhepo ati vamwe vana vatatu vairutsa zvakanyanya nezuro pachikoro chaanodzidza chiri mumusha weGreencroft.

Mumwe mubereki ane vana vaviri vanodzidza pane chimwe chikoro chiri mumusha weAvonlea, Amai Tutsirai Majekuza, vanoti vave kutyira kuti vana vavo vachatapurirwa chirwere chekorera nevamwe vana vanogona kunge vane chirwere ichi avo vanodzidza pachikoro chinodzidza vana vavo vachigara kunzvimbo dzine vanhu vakabatwa chirwere ichi uye vamwe vakatofa.

Vamwe vabereki vanogara mumisha inogara veruzhinji yakawanikwa chirwere chekorera vakaita saAmai Loreta Marimo vemumusha weGlen View, vaudza Studio7 kuti kunyange vana vavo vasati vabatwa nekorera, vave kutyira kuti vanogona kubatwa nechirwere ichi vozotapurira vamwe kunzvimbo dzavanodzidza kusati kwasvika chirwere ichi sezvo masuweji azere posepose munzvimbo yavanogara.

Mumwe mugari wemuBudiriro, umo mune vamwe vanhu vakabatwa vaine chirwere chekorera, VaLiberty Mangwavaira, vaudza Studio7 kuti havasi kufara nenguva iri kutorwa nekanzuru kugadzirisa pombi dzinotakura tsvina dzavanoti dzinogara dzakabvajuka kunyange vachizivisa kanzuru nekufa kwepombi dzinotakura tsvina idzi.

VaMangwavaira vakurudzira kanzuru nehurumende kuti vatore matanho akasimba ekugadzirisa pombi idzi vanhu vasati vapera kufa.

Zvichakadai, meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti vari kuedza nepose pavanogona napo kurwisana nechirwere ichi kuti chisaparire kune dzimwe nzvimbo muHarare kuburikidza nekurapa vanhu vane chirwere ichi mumakirinika ekanzuru uye kudzidzisa vanotengesa kuti vatengesere munzvimbo dzine hutsanana.

chekorera chinonzi chauraya vanhu makumi maviri nevashanu kusvika pakadoka zuva nezuro uye hurumende inoti pane vanhu vane chirwere ichi vanosvika zviuru zvitatu nemazana manomwe ane makumi matanhatu nevatanhatu.

Padoka zuva ranhasi tanga tisati tanzwa kuti pane vamwe vafa here kana kuti kwete kana vamwe vabatwa nechirwere ichi sezvo gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vari kukumbira veruzhinji nevemasangano ekunze kuburikidza nemashoko avaisa paTwitter kuti vabatsire hurumende nemari yekurwisa nechirwere chekorera ichi.

Muna 2008, chirwere ichi chakauraya vanhu vanodarika zviuru zvina munyika yose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG