Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vanobvisiswa Zviuru Zvitatu zveMadhora seChibatiso


VaSaviour Kasukuwere

Vaimbova gurukota rezvematunhu muhurumende yaVaRobert Mugabe, VaSaviour Kasukuwere, vabvisiswa zviuru zvitatu zvemadhora kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Izvi zvinotevera kumiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva ina dzekushandisa masimba avo zvisirizvo vachiri muhurumende.

VaKasukuwere vari kupomerwa mhosva ina vachinzi vakapfurikidza mwero mukuita basa ravo pavaimbova gurukota rezvevechidiki pamwe nepavakazove gurukota rezvematunhu.

Muchichisi wenyaya idzi, VaMichael Reza, vaudza dare kuti VaKasukuwere vakashandisa masimba avo zvisiri izvo pavaiva gurukota rezvechidiki pavanonzi vakapa basa kambani yeBrainworks kuti imire pakati pehurumende nemakambani anochera zvicherwa akaita seUnki Mine neZimplats munhaurirano dzekuti makambani aya atevedzere mutemo waimbovapo wekuendesa hupfumi kuvatema.

VaReza vati VaKasukuwere vaifanira kupa kambani yeBrainworks kana imwewo kambani mushure mekunge nyaya yekupa basa iri yaendeswa kuti pasarudzwe kambani yaizoita basa kana kuti tender.

Pane dzimwe nyaya nhatu dzavanonzi vakapara vari gurukota rezvematunhu, VaReza vati VaKasukuwere vakashandisa masimba mukupa Amai Junior Shuvai Gumbochuma, vanove mukoma wevaimbova mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, masitendi ekuvaka dzimba muHarare pamwe nekuMasvingo vasina kutevedzera nzira dzinoshandiswa mukupihwa kunoitwa masitendi.

Kubva zvabviswa VaMugabe pachigaro muna Mbudzi gore rapera, kune makurukota akati kuti asungwa achimiswa pamberi pematare edzimhosva.

Makurukota aya anosanganisira VaIgnatious Chombo, Va Samuel Udenge, VaJoseph Made, VaJason Machaya nevamwe.

Vose makurukota aya vanhu vanofungidzirwa kuti vaitsigira chikwata cheGeneration 40, icho chairwisana neTeam Lacoste, iyo inonzi inotsigira VaMnangagwa.

Nyaya isati yatanga kuzeyewa, vakafanobata chigaro chemuchuchisi mukuru wenyika, VaKumbirai Hodzi, avo vanga vachishanyira matare vachiona mamiriro akaita zvinhu mumatare, vaudza mutongi wedare kuti nyaya dzehuori sedziri kupomerwa VaKasukuwere dzinofanira kunzwikwa nekukasika uye kuti dzibatwe neruoko rwakasimba kuti veruzhinji vaone kuti hurumende yakazvipira kurwisana nehuori.

Mune imwewo nyaya yaitika pamatare, mamejasitiriti matsva makumi matanhatu atoreswa mhiko dzekuva mamejasitiriti pamberi pemukuru wemamejasititi munyika, VaMishrod Guvamombe.

Izvi zvauyawo panguva iyo dzimwe nyaya dzanga dzichinonoka kufambiswa mumatare nepamusana pekushomeka kwemamejasitiriti zvikuru sei mumadhorobha madiki.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG